Ruka 2:13-15
Ruka 2:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.” Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”
Ruka 2:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti, “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.” Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti, “Ngatiende hedu Bheterehemu, tindoona chinhu ichi chakaitwa; chatakaziviswa naIshe.”
Ruka 2:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo boka guru rehondo yedenga rakamira pamwe nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti, “Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, pasi pano rugare ruve kuvanhu vaanofarira.” Kuzoti vatumwa vaye vabva pavari, vachienda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehemu tindoona zvaitika izvi zvataziviswa naTenzi.”
Ruka 2:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo kamŋe‐kamŋe kukaʋa’po pamŋe cete nomutumŋa, ʋazhinji ʋehondo yokuɗeŋga, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciti: Mŋari ŋgaarumbidzwe kumsoro‐soro, Norugare ŋgaruʋe naʋanhu ʋaanofarira. Ɀino ʋatumŋa ʋakati ʋabva kwaʋari, ʋaenda kuɗeŋga, ʋafudzi ʋakataurirana, ʋaciti: Ŋgatiende heɗu Betrehema, tindoʋona cinhu ici cakaitwa, catakaziʋiswa naShe.
Ruka 2:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)