Ruka 2:11-14
Ruka 2:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.” Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti, “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”
Ruka 2:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”
Ruka 2:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti nhasi uno, muguta raDhavhidhi, mazvarirwa Muponesi, ndiye Kristu Tenzi. Chiratidzo chamuchamuziva nacho ndechichi chokuti muchandowana mucheche akaputirwa namachira akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo boka guru rehondo yedenga rakamira pamwe nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti, “Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, pasi pano rugare ruve kuvanhu vaanofarira.”
Ruka 2:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti nhasi maɀarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ici ndico ciratidzo kwamuri: Mucandowana rushiye, rwakaputirwa nemiceka, ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo. Ipapo kamŋe‐kamŋe kukaʋa’po pamŋe cete nomutumŋa, ʋazhinji ʋehondo yokuɗeŋga, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciti: Mŋari ŋgaarumbidzwe kumsoro‐soro, Norugare ŋgaruʋe naʋanhu ʋaanofarira.
Ruka 2:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)