Ruka 2:1-3
Ruka 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumazuva iwayo Kesari Ogasitasi akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe. Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria. Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa.
Ruka 2:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita. Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.
Ruka 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Namazuva iwayo kwakatemwa chirevo chakabva kuna Siza Agusuto, chokuti vanhu vapasi pose vanyorwe mazita avo. Uku ndiko kwaiva kunyorwa kwamazita kwokutanga kwakaitwa Kwiriniosi ari mutongi weSiria. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa mumwe nomumwe kuguta rokwake.
Ruka 2:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino namazuʋa iwayo cireʋo cakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita. Uku ndokwaiʋa kunyorwa kwokutaŋga, kwakaitwa Kuriniosi ari muɓati weSiria. Ʋanhu ʋose ʋakaenda kundonyorwa, mumŋe nomumŋe kuguta rake.
Ruka 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)