Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:1-28

Ruka 19:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo. Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo. Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji. Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo. Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi.” Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro. Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugununʼuna vachiti, “Aenda kunova mueni wo‘mutadzi.’ ” Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.” Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.” Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo. Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka. Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’ “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzinoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’ “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo. “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’ “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’ “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’ “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka. Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ane mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara? Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’ “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’ “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’ “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho. Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’ ” Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwidza kuJerusarema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 19

Ruka 19:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akapinda Jeriko, akapfuura napakati. Zvino murume aivapo, ainzi Zakeo; iye akanga ari mukuru wavateresi, uye aiva mupfumi; akatsvaka kuona Jesu, kuti ndiye ani; asi akanga asingagoni, nokuti akanga akapfupika. Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga opfuura napo. Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.” Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro. Vose vakazviona, vakagu'nun'una, vachiti, “Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.” Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.” Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbhuruhamu. “Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.” Vakati vachinzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu, ivo vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo. Naizvozvo akati, “Mumwe munhu mukuru akaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa ushe, agodzokazve. Akadana varanda vake vane gumi, akavapa gumi repondo, akati kwavari, ‘Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve.’ Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti, ‘Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.’ “Zvino akati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe, akarayira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake. Wokutanga akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzine gumizve.’ “Akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta ane gumi.’ “Wechipiri akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawedzerazve pondo shanu.’ “Akati kwaariwo, ‘Newe, ubate maguta mashanu.’ Zvino mumwe akasvika, akati, ‘Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakanga ndachengeta mumucheka. Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu ane hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’ Akati kwaari, ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu ane hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha; zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubangi, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.’ Ipapo akati kuna vakanga vamirepo, ‘Mutorerei pondo iyo, muipe ane pondo dzine gumi.’ Vakati kwaari, ‘Ishe, atova nepondo dzine gumi.’ Ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe ane chinhu, achapiwa; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, uyai navo pano, muvauraye pamberi pangu.’ ” Akati areva izvozvo, akatungamirira mberi achikwira Jerusaremu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 19

Ruka 19:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akapinda muJeriko achipfuura nomo. Maiva nomumwe murume ainzi Zakeo. Aiva mukuru mukuru wavateresi uye ari mupfumi. Aida kuona zvakaita Jesu asi haana kukwanisa nokuda kwegurumwandira ravanhu nokuti iye akanga akapfupika. Ipapo akafanomhanyira mberi ndokukwira mumuonde kuti amuone nokuti akanga achizopfuura nepo. Jesu paakasvika panzvimbo iyoyo, akatarisa mudenga akamuti, “Zakeo kurumidza kuburuka nokuti ndinofanira kundogara kumba kwako nhasi.” Saizvozvo akakurumidza kuburuka akamugamuchira norufaro. Vanhu pavakazviona, vose vakanyunyuta vachiti aenda kundogara mumba momutadzi. Zakeo akamirawo achiti kuna Tenzi, “Chionai Tenzi ini ndichapa kuvarombo hafu yezvinhu zvangu. Kana ndakabiridzira munhu chinhu ndichamudzorera kakapetwa kana.” Jesu akati kwaari, “Nhasi uno ruponeso rwauya kumba ino nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahamu nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.” Pavakanga vakateerera zvinhu izvi, akaenderera mberi achivapa muenzaniso nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu uye nokuti vakanga vachifunga kuti umambo hwaMwari hwakanga hwava kuda kutoonekwa. Naizvozvo akati, “Mumwe murume wokumbahuru akaenda kune imwe nyika iri kure kundopiwa umambo achizodzoka. Akashevedza varanda vake gumi akavapa gumi repondo, achiti kwavari, ‘Itai mhindu nayo kusvikira ndauya.’ Asi vanhu vake vaimuvenga. Vakatumira nhume dzokumutevera dzichiti, ‘Hatidi kuti munhu uyu atitonge.’ Paakadzoka apiwa umambo huya akati varanda vake vaakanga apa mari iya vadaidzwe kwaari kuti azive kuti mumwe nomumwe akanga awanei nemhindu. Wokutanga akauya kwaari achiti, ‘Changamire pondo yenyu yakabereka dzimwe pondo gumi pamusoro.’ Iye akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka! Pamusana pokuti wakatendeka muzvinhu zvidikidiki kudai uchatonga maguta gumi.’ Wechipiri akauyawo achiti, ‘Tenzi pondo yenyu yakabereka pondo shanu.’ Iye akati kwaari, ‘Iwewo uchatonga maguta mashanu.’ Mumwe akauya achiti, ‘Tenzi pondo yenyu iyi ini ndakaipfundira muhengechepfu, nokuti ndaikutyai nokuti muri munhu akaomarara. Munonhonga chamusina kuisa pasi, muchikohwa chamusina kudyara.’ Akati kwaari, ‘Ndinokupa mhosva nezvabva mumuromo mako, iwe muranda akaipa. Heya waitoziva zvako kuti ndiri munhu akaomarara anonhonga chaasina kuisa pasi nokukohwa paasina kudyara, ko zvino wakaregererei kuisa mari yangu mubhangi. Pandainge ndauya ndaizoitora yabereka.’ Akati kuna vakanga vakamira pedyo, ‘Mutorerei pondo iyoyo muipe kune ane gumi repondo.’ Vanhu vakati kwaari, ‘Tenzi, inga ane gumi repondo wani.’ Ndinokutaurirai kuti munhu wose anazvo achawedzerwa zvimwe asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achachitorerwa. “Asi zvemhandu dzangu dziya dzaisada kuti ndidzitonge dziunzei pano mudziuraye ndakatarisa.” Paakapedza kutaura izvi, akatungamira vachikwira kuJerusaremu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 19

Ruka 19:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakapinda Jeriko, akapfuʋura napakati. Ɀino murume waiʋa’po, wainzi Zakeo; iye wakaŋga ari mukuru waʋateresi, ʋuye waiʋa mufumi; akatȿaka kuʋona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakaŋga asiŋgagoni, nokuti wakaŋga akafupika. Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuʋonde kuti amuʋone, nokuti wakaŋga opfuʋura napo. Ɀino Jesu wakati aciȿika’po, akatarira kumsoro, akati kwaari: Zakeo, kurumidza uɓuruke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako. Iye akakurumidza kuɓuruka, akamugamucira nomufaro. Ʋose ʋakaɀiʋona, ʋakaŋuŋuna, ʋaciti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi. Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe: Tarirai, Ishe, ndinopa ʋarombo hafu yefuma yaŋgu, ʋuye kana ndatorera mumŋe cinhu cake nokunyeŋgera, ndinomudzosera ɀaʋa ɀinna. Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwaȿika paimba ino; nokuti naiye ʋo mŋanakomana waAbrahama. Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzotȿaka nokuponesa cakarashika. Ʋakati ʋacanzwa iɀoɀo, akawedzera akataura mumŋe mufananidzo, nokuti wakaŋga aʋa pedyo neJerusarema, iʋo ʋakati ʋushe bgaMŋari bgobva bgoʋonekwa pakarepo. Naiɀoɀo akati: Mumŋe munhu mukuru wakaenda kunyika yakaŋga iri kure, kuti andopiwa ʋushe, agodzoka ɀe. Akaɗana ʋaranda ʋake ʋanegumi, akaʋapa pondo dzinegumi, akati kwaʋari: Shambadzirai, kuȿikira ndiciʋuya ɀe. Asi ʋanhu ʋenyika yake ʋakaŋga ʋacimuʋeŋga, ʋakatuma nhume kumuteʋera, kundoti: Hatiɗi kuti uyu munhu aʋe ishe weɗu. Ɀino wakati adzoka kuya kwaakaŋga andopiwa ʋushe, akaraira kuti ʋaya ʋaranda ʋaakaŋga apa mari, ʋaɗanirwe kwaari, anzwe kuti mumŋe nomumŋe wakawanei nokushambadzira kwake. Wokutaŋga akaȿika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawana dzimŋe pondo dzinegumi ɀe. Akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka; ɀawakaŋga wakatendeka paɀiɗuku‐ɗuku, uɓate maguta anegumi. Wecipiri akaȿika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera ɀe pondo shanu. Akati kwaari ʋo: Newe, uɓate maguta mashanu. Ɀino mumŋe akaȿika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakaŋga ndaceŋgeta mumuceka. Nokuti ndakaŋga ndicikutyai, ɀamuri munhu unehasha, munotora ɀamusakaisa’po, munoceka ɀamusakakusha. Akati kwaari: Ndicakutoŋga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakaŋga uciziʋa kuti ndiri munhu unehasha, ndicitora ɀandisakaisa, ndiciceka ɀandisakakusha; ɀino wakaregereiko kuisa mari yaŋgu mubaŋga, ndikazoitora pakudzoka kwaŋgu yawanda. Ipapo akati kunaʋakaŋga ʋamire’po: Mutorerei pondo iyo, muipe unepondo dzinegumi. Ʋakati kwaari: Ishe, watoʋa nepondo dzinegumi. Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unecinhu, ucapiwa; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Asi ʋaʋeŋgi ʋaŋgu aʋo, ʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kuti ndiʋe ishe waʋo, ʋuyai naʋo pano, muʋaʋuraye pamberi paŋgu. Wakati areʋa iɀoɀo, akatuŋgamirira mberi, acikwira Jerusarema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 19

Ruka 19:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)