Ruka 18:1-5
Ruka 18:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu. Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’ “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu, asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ ”
Ruka 18:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akavaudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarasi mwoyo; akati, “Mune rimwe guta makanga munomumwe mutongi, akanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu. Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichiuya kwaari, ichiti, ‘Ndiruramisire kumuvengi wangu.’ Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu; iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzouya pashure indirove kumeso.’ ”
Ruka 18:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akavataurira mumwe muenzaniso wokuti vanofanira kunamata nguva dzose vasingarasi mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu. Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’ Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ”
Ruka 18:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakaʋaʋudza mufananidzo wokuti ʋanofanira kunyeŋgetera ŋguʋa dzose, ʋasiŋgarashi mŋoyo; akati: Munerimŋe guta makaŋga munomumŋe mutoŋgi, wakaŋga asiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu. Ɀino kwakaŋga kunecirikadzi muguta iro, yairamba iciʋuya kwaari, iciti: Ndiruramisire kumuʋeŋgi waŋgu. Iye akamboramba ŋguʋa; asi pashure akati mumŋoyo make: Kunyaŋge ndisiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu; iyi cirikadzi ɀainonditambudza, ndicairuramisira, kuti irege kuzoʋuya pashure indiroʋe kumeso.
Ruka 18:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)