Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 18:1-17

Ruka 18:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu. Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’ “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu, asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ ” Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama. Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here? Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?” Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati, “Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi. MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu. Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ “Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’ “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.” Vanhu vakauyawo navacheche kuna Jesu kuti avanyengeterere. Vadzidzi vakati vachiona izvozvo, vakavatsiura. Asi Jesu akadana vana kwaari achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 18

Ruka 18:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Jesu akavataurira mumwe muenzaniso wokuti vanofanira kunamata nguva dzose vasingarasi mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu. Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’ Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ” Tenzi akati, “Inzwai zviri kutaurwa nomutongi asina kururama. Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here? Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?” Jesu akavataurirawo muenzaniso uyu kune vamwe vaizvikudza vachizviona savakarurama kupinda vamwe vachishora vamwe. “Vamwe varume vaviri vakaenda muTemberi kundonamata. Mumwe wavo aiva muFarisei, mumwe ari muteresi. MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu. Ndinotsanya kaviri pasvondo. Ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira nechokure asingatomboda kusimudza maziso ake kudenga. Akazvibata pachifuva achizvininipisa achiti, ‘Mwari, ndinzwirewo tsitsi ini mutadzi.’ Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.” Vanhu vakanga vava kuunza kunyange vacheche kwaari kuti avabate. Vadzidzi vake pavakazviona, vakavarambidza. Asi Jesu akadaidzira achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwedenga ndehwevakaita savava. Chokwadi chaizvo ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haambohupinda.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 18

Ruka 18:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akavaudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarasi mwoyo; akati, “Mune rimwe guta makanga munomumwe mutongi, akanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu. Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichiuya kwaari, ichiti, ‘Ndiruramisire kumuvengi wangu.’ Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu; iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzouya pashure indirove kumeso.’ ” Ishe akati, “Inzwai zvinorehwa nomutongi asakarurama. Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakatsanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku, kunyange achinonoka pamusoro pavo here? Ndinoti kwamuri, achakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, achawana kutenda panyika here?” Akarevawo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachifunga, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati, “Vanhu vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe ari muFarisi, mumwe ari muteresi. MuFarisi akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati, ‘Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chipfuva, akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!’ ” Ndinoti kwamuri, “Uyu akaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya. Nokuti mumwe nomumwe, anozvikudza, achaninipiswa, nomumwe nomumwe, anozvininipisa achakudzwa.” Zvino vakauya navachechewo kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavarayira. Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati, “Regai vana vaduku, vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.”

Ruka 18:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akavataurira mumwe muenzaniso wokuti vanofanira kunamata nguva dzose vasingarasi mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu. Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’ Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ” Tenzi akati, “Inzwai zviri kutaurwa nomutongi asina kururama. Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here? Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?” Jesu akavataurirawo muenzaniso uyu kune vamwe vaizvikudza vachizviona savakarurama kupinda vamwe vachishora vamwe. “Vamwe varume vaviri vakaenda muTemberi kundonamata. Mumwe wavo aiva muFarisei, mumwe ari muteresi. MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu. Ndinotsanya kaviri pasvondo. Ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira nechokure asingatomboda kusimudza maziso ake kudenga. Akazvibata pachifuva achizvininipisa achiti, ‘Mwari, ndinzwirewo tsitsi ini mutadzi.’ Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.” Vanhu vakanga vava kuunza kunyange vacheche kwaari kuti avabate. Vadzidzi vake pavakazviona, vakavarambidza. Asi Jesu akadaidzira achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwedenga ndehwevakaita savava. Chokwadi chaizvo ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haambohupinda.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 18

Ruka 18:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakaʋaʋudza mufananidzo wokuti ʋanofanira kunyeŋgetera ŋguʋa dzose, ʋasiŋgarashi mŋoyo; akati: Munerimŋe guta makaŋga munomumŋe mutoŋgi, wakaŋga asiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu. Ɀino kwakaŋga kunecirikadzi muguta iro, yairamba iciʋuya kwaari, iciti: Ndiruramisire kumuʋeŋgi waŋgu. Iye akamboramba ŋguʋa; asi pashure akati mumŋoyo make: Kunyaŋge ndisiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu; iyi cirikadzi ɀainonditambudza, ndicairuramisira, kuti irege kuzoʋuya pashure indiroʋe kumeso. Ishe akati: Inzwai ɀinorebga nomutoŋgi usakarurama. Ko ɀino Mŋari haaŋgaruramisiri ʋakasanaŋgurwa ʋake, ʋanoɗanidzira kwaari masikati noʋusiku, kunyaŋge acinonoka pamsoro paʋo here? Ndinoti kwamuri: Ucakurumidza kuʋaruramisira. Asi Mŋanakomana womunhu kana aciȿika, ucawana kutenda panyika here? Wakareʋa ʋo mufananidzo uyu kunaʋamŋe, ʋakaŋga ʋaciɀitenda, ʋaciti takarurama, ʋaciɀidza ʋamŋe, akati: Ʋanhu ʋaʋiri ʋakakwira kutembere kundonyeŋgetera, mumŋe ari muFarise, mumŋe ari muteresi. MuFarise akandomira, akanyeŋgetera kuɗai, aciɀireʋa, akati: Ndinokutendai Mŋari, kuti handina‐kufanana naʋamŋe ʋanhu, makororo, ʋasakarurama, mhombge, kana nomuteresi uyo. Ndinoɀinyima ɀokudya kaʋiri neviki, ndinopa cegumi ceɀose ɀandinowana. Asi muteresi wakamira kure, asiŋgaɗi kunyaŋge nokutarira kuɗeŋga, akaɀiroʋa cifuʋa, akati: Mŋari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi! Ndinoti kwamuri: Uyu wakaɓurukira kumba kwake aruramiswa kupfuʋura uya. Nokuti mumŋe nomumŋe, unoɀikudza, ucaninipiswa, nomumŋe nomumŋe, unoɀininipisa ucakudzwa. Ɀino ʋakaʋuya naʋacece ʋo kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakaʋaraira. Ipapo Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Regai ʋana ʋaɗuku, ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri.