Ruka 17:15-19
Ruka 17:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria. Jesu akati, “Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”
Ruka 17:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru; akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria. Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”
Ruka 17:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.”
Ruka 17:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe waʋo, wakati aciʋona kuti ndaporeswa, akadzoka, acikudza Mŋari nenzwi guru; akawira pasi neciso patsoka dzake, akamuʋoŋga. Ɀino iye wakaŋga ari muSamaria. Ipapo Jesu akapindura, akati: Haʋana‐kuporeswa ʋanegumi here? Ʋapfumbamŋe ʋaripiko? Hapanawakawanikwa wadzokera kuzokudza Mŋari, asi uyu mutorwa here? Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.
Ruka 17:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)