Ruka 17:1-4
Ruka 17:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo. Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava. Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere. Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.”
Ruka 17:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye. Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava. “Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire. Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.”
Ruka 17:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.”
Ruka 17:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Haɀiŋgaitiki kuti ɀigumbuso ɀisaʋuya. Asi unenhamo iye waɀinoʋuya naye. Ɀaiʋa nani kwaari, kuti guyo risuŋgirirwe pamutsipa wake, awisirwe muguŋgwa, pakuti agumbuse mumŋe waʋaɗuku aʋa. Cenjerai; kana hama yako ikatadza, umuraire; kana akatendeʋuka, umukaŋganwire. Kunyaŋge akutadzira kanomŋe nezuʋa rimŋe, akadzokera kwauri kanomŋe, aciti: Ndatendeʋuka; umukaŋganwire.
Ruka 17:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)