Ruka 17:1-33
Ruka 17:1-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo. Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava. Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere. Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.” Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!” Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai. “Ngatitii mumwe wenyu anga aine muranda anorima kana kuti anofudza makwai. Angati here kumuranda paanopinda achibva kumunda, ‘Uya pano iye zvino ugare pasi udye’? Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’? Ko, angavonga muranda nokuda kwokuti akaita zvaakaudzwa here? Saka nemiwo, pamunenge maita zvose zvamakaudzwa kuti muite, munofanira kuti, ‘Tiri varanda vasina maturo; tangoita zvatanga tichifanira kuita.’ ” Zvino ari munzira achienda kuJerusarema, Jesu akafamba achitevedza muganhu waiva pakati peSamaria neGarirea. Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!” Akati achivaona, akati kwavari, “Endai munozviratidza kuvaprista.” Uye pavaienda, vakabva vanatswa. Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria. Jesu akati, “Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.” Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu, uye vanhu havangati, ‘Hohuno pano’ kana kuti ‘Uho uko,’ nokuti umambo hwaMwari huri mamuri.” Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Nguva iri kuuya yamuchashuva kuona rimwe ramazuva oMwanakomana woMunhu, asi hamuzorioni. Vanhu vachati kwamuri, ‘Hoyo uko!’ kana kuti ‘Houno pano!’ Musamhanya muchivatevera. Nokuti semheni inopenya ichivhenekera muchadenga ichibva kuno rumwe rutivi ichienda kuno rumwe rutivi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu pazuva rake. Asi anofanira kutanga kumbotambudzika zvikuru uye acharambwa norudzi urwu. “Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana woMunhu. Vanhu vaidya, vachinwa, vachiwana nokuwaniswa kusvikira zuva rakapinda Noa muareka. Ipapo mafashamu akasvika akavaparadza vose. “Zvakanga zvakadarowo pamazuva aRoti. Vanhu vakanga vachidya nokunwa, vachitonga nokutongesa, vachidyara nokuvaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesuriferi zvakanaya, zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. “Zvichaita saizvozvo pazuva iro Mwanakomana woMunhu acharatidzwa. Pazuva iro hakuna munhu ari pamusoro pedenga remba, ane nhumbi dzake mukati memba, anofanira kuburuka kuti andodzitora. Saizvozvowo, hakuna munhu ari kumunda achadzokera chinhu chero chipi zvacho. Rangarirai mukadzi waRoti! Ani naani anoedza kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa noupenyu hwake achahuponesa.
Ruka 17:1-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye. Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava. “Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire. Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.” Zvino vapostori vakati kuna Ishe, “Tiwedzerei kutenda kwedu.” Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai. “Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya? “Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’ Ko angatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarayirwa here? “Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ” Zvino vakati vachienda Jerusaremu, akapfuura napaSamaria neGariria. Zvino achipinda munomumwe musha, akasangana navarume vane gumi vaiva namaperembudzi, vamire kure. Vakadanidzira, vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!” Zvino akati achivaona, akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Vakati vachienda, vakapora. Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru; akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria. Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.” Zvino akati achibvunzwa naFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura, akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa. Havangati, ‘Tarirai pano!’ Kana, ‘Uko!’ Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.” Akati kuvadzidzi vake, “Mazuva achasvika amuchatsvaka kuona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarioni. Vachati kwamuri, ‘Tarirai uko! Tarirai pano!’ Regai kuenda, kana kuvatevera; nokuti semheni inopenya, ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga, ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga; ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhuo nezuva rake. Asi anofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurambwa norudzi urwu. Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu; vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose. Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurufa zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro. “Nezuva iro, ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvowo, ari kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure. “Rangarirai mukadzi waRoti. Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, achahuraramisa.
Ruka 17:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.” Vapositori vakati kuna Tenzi, “Tiwedzereiwo chitendero chedu.” Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai. “Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’ Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’ Anotenda muranda here nokuti aita zvaaudzwa? Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ” Ari parwendo rwokuenda kuJerusaremu akapfuura napakati peSamaria neGarirea. Paakapinda mune mumwe musha, akasangana navanhu gumi vaiva namaperembudzi vakamira nechekure vakadaidzira vachiti, “Jesu, Tenzi tinzwireiwo tsitsi.” Paakavaona akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Pavaienda vakabva vaporeswa. Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Jesu paakabvunzwa navaFarisei kuti umambo hwaMwari huchasvika rini, akavapindura achiti, “Umambo hwaMwari hausi kuuya nezviratidzo zvinoonekwa. Hakuna munhu achati, ‘Hohuno huri pano kana kuti huri apo, nokuti izvozvi umambo hwaMwari huri pakati penyu.’ ” Akazoti kuna vadzidzi vake, “Mazuva ari kuuya pamuchasuwira kuona rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu asi hamumboriona. Vamwe vachati kwamuri, ‘Ari kokoko kana kuti ari pano apa.’ Musaendeko kana kuvatevera. Nokuti sokuvaima kunoita mheni ichivhenekera denga kubvira kunorumwe rutivi kusvika kunorumwe, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu pamazuva ake. Asi anofanira kutanga atambudzika zvakanyanya agorambwa nechizvarwa ichi. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pamazuva oMwanakomana womunhu. Vanhu vaidya nokumwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Mafashamo akauya akavaparadza vose. Naizvozvowo zvakaitika pamazuva aRoti; vanhu vaidya vachinwa vachitenga nokutengesa vachidyara nokuvaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesarufa zvakanaya zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. Ndizvozvowo zvazvichaita pazuva richaoneswa Mwanakomana womunhu. Pazuva iroro anenge ari pamusoro pemba aine zvinhu zvake mumba, ngaarege kuburukira kuzozvitora. Ndizvo zvimwechetezvo naari kumunda, ngaarege kudzokera. Yeukai mudzimai waRoti. Uyo anotsvaka kuzviponesa upenyu acharasikirwa nahwo. Asi uyo anorasikirwa noupenyu hwake anohuchengetedza.
Ruka 17:1-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Haɀiŋgaitiki kuti ɀigumbuso ɀisaʋuya. Asi unenhamo iye waɀinoʋuya naye. Ɀaiʋa nani kwaari, kuti guyo risuŋgirirwe pamutsipa wake, awisirwe muguŋgwa, pakuti agumbuse mumŋe waʋaɗuku aʋa. Cenjerai; kana hama yako ikatadza, umuraire; kana akatendeʋuka, umukaŋganwire. Kunyaŋge akutadzira kanomŋe nezuʋa rimŋe, akadzokera kwauri kanomŋe, aciti: Ndatendeʋuka; umukaŋganwire. Ɀino ʋaapostora ʋakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kweɗu. Ishe akati: Kana maiʋa nokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, maiti kumuʋonde uyu: Dzurwa, usimŋe muguŋgwa! ucakutererai. Ndiani kwamuri uŋgaʋa nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, acibva kumunda: Ʋuya, ugare pakudya? Handiti uŋgati kwaari: Ndigadzirire ɀokudya, uɀisuŋge ciʋuno, undishandire, kuȿikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa? Ko uŋgatenda muranda, ɀaaita ɀakaŋga ɀarairwa here? Saiɀoɀo nemi ʋo, kana maita ɀose ɀamarairwa, muti: Tiri ʋaranda pasina, takaita seɀataifanira kuita. Ɀino ʋakati ʋacienda Jerusarema, akapfuʋura napaSamaria neGarirea. Ɀino acipinda munomumŋe musha, akasoŋgana naʋarume ʋanegumi ʋaiʋa namaperembudzi, ʋamire kure. Ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ŋgoni! Ɀino wakati aciʋaʋona, akati kwaʋari: Endai mundoɀiratidza kuʋaprista. Ʋakati ʋacienda, ʋakapora. Ɀino mumŋe waʋo, wakati aciʋona kuti ndaporeswa, akadzoka, acikudza Mŋari nenzwi guru; akawira pasi neciso patsoka dzake, akamuʋoŋga. Ɀino iye wakaŋga ari muSamaria. Ipapo Jesu akapindura, akati: Haʋana‐kuporeswa ʋanegumi here? Ʋapfumbamŋe ʋaripiko? Hapanawakawanikwa wadzokera kuzokudza Mŋari, asi uyu mutorwa here? Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa. Ɀino wakati acibvunzwa naFarise kuti ʋushe bgaMŋari bgunoȿika rini, akapindura, akati: Ʋushe bgaMŋari habguʋuyi bguciʋonekwa. Haʋaŋgati: Tarirai pano! kana: Uko! Nokuti tarirai, ʋushe bgaMŋari bguri mukati menyu. Akati kuʋadzidzi ʋake: Mazuʋa acaȿika amucatȿaka kuʋona zuʋa rimŋe ramazuʋa oMŋanakomana womunhu, asi hamuŋgariʋoni. Ʋacati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana kuʋateʋera; nokuti semheni inopenya, icibva kunorumŋe rutiʋi pasi peɗeŋga, icivenekera kuȿikira kunorumŋe rutiʋi pasi peɗeŋga; ndiɀo ɀicaita Mŋanakomana womunhu ʋo nezuʋa rake. Asi unofanira kumbotambudzika ɀizhinji, nokurashwa norudzi urwu. seɀaɀakaŋga ɀakaita namazuʋa aNoa, ndiɀo ɀaɀicaita ʋo namazuʋa oMŋanakomana womunhu; ʋaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikaȿika, ikaparadza ʋose. seɀaɀakaŋga ɀakaita ʋo namazuʋa aRoti; ʋaidya, nokunwa, nokuteŋga, nokuteŋgesa, nokusima, nokuʋaka; asi nomusi wakaɓuɗa Roti muSodoma, mŋoto nesurferi ɀakanaya, ɀicibva kuɗeŋga, ɀikaʋaparadza ʋose. Ndiɀo ɀaɀicaita ʋo nezuʋa iro, Mŋanakomana womunhu raacaʋonekwa naro. Nezuʋa iro, uri pamsoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ŋgaarege kuɓuruka kundodzitora; saiɀoɀo ʋo, uri kumunda ŋgaarege kudzokera kuneɀiri shure. Raŋgarirai mukadzi waRoti. Aninani unotȿaka kuŋgwarira ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo, ʋuye aninani unorashikirwa nabgo, ucabguraramisa.
Ruka 17:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)