Ruka 14:25-28
Ruka 14:25-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye akatendeukira kwavari akati, “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu. “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?
Ruka 14:25-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendeuka, akati kwavari, “Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una, nehanzvadzi, kunyange noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu. Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake, akauya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu. Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?
Ruka 14:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vazhinji–zhinji vaifamba pamwechete naJesu. Akatendeuka akati kwavari, “Kana munhu akauya kwandiri iye asingabvisi mwoyo wake pana baba naamai vake nomudzimai wake navana vake navakomanavanun'una nehanzvadzi dzake uye ndinototi kunyange upenyu hwake, haakwanisi kuva mudzidzi wangu. Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haakwanisi kuva mudzidzi wangu. Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here?
Ruka 14:25-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋazhinji‐zhinji ʋakafamba naye; akatendeʋuka, akati kwaʋari: Kana munhu aciʋuya kwandiri, asiŋgaʋeŋgi ɓaɓa ʋake namai, nomukadzi, naʋana, naʋanuŋuna, nehanɀadzi, kunyaŋge noʋupenyu bgake ʋo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Aninani usiŋgatakuri mucinjikwa wake, akaʋuya shure kwaŋgu, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana anemari yokuipedzisa nayo?
Ruka 14:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)