Ruka 14:17-20
Ruka 14:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’ “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’ “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’ “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’
Ruka 14:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’
Ruka 14:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’ Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’
Ruka 14:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’
Ruka 14:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akatuma muranda wake neŋguʋa yokurayira kuti aʋudze ʋakaŋga ʋakakokerwa, kuti: Ʋuyai, nokuti ɀose ɀagadzirwa ɀino. Ipapo ʋose ʋakataŋga nomŋoyo mumŋe kuɀireʋera. Wokutaŋga akati kwaari: Ndateŋga munda, ndinofanira kumbondouʋona; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndateŋga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndawana mukadzi, naiɀoɀo handiŋgaʋuyi.