Ruka 14:15-23
Ruka 14:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.” Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji. Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’ “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’ “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’ “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’ “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’ “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’ “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
Ruka 14:15-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!” Iye akati kwaari, “Mumwe munhu akagadzira chirariro chikuru, akakokera vazhinji. “Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’ Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’ Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’ Muranda akati, ‘Ishe, izvo zvamarayira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.’ “Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.
Ruka 14:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.” Asi Jesu akati kwaari, “Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vanhu vakawanda.” Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’ Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’ Muranda akati, ‘Changamire zvamati zviitwe zvaitwa asi nzvimbo ichiripo.’ Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare.
Ruka 14:15-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya wakati aciɀinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo ucadya ɀokudya paʋushe bgaMŋari! Iye akati kwaari: Mumŋe munhu wakagadzira cirayiro cikuru, akakokera ʋazhinji. Akatuma muranda wake neŋguʋa yokurayira kuti aʋudze ʋakaŋga ʋakakokerwa, kuti: Ʋuyai, nokuti ɀose ɀagadzirwa ɀino. Ipapo ʋose ʋakataŋga nomŋoyo mumŋe kuɀireʋera. Wokutaŋga akati kwaari: Ndateŋga munda, ndinofanira kumbondouʋona; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndateŋga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndawana mukadzi, naiɀoɀo handiŋgaʋuyi. Muranda akaʋuya, akaʋudza ishe wake iɀoɀo. Ipapo mŋene weimba akatsamŋa, akati kumuranda wake: Kurumidza, uɓuɗe kunzira huru neɗuku dzomumusha, uʋuye pano naʋarombo, neɀirema, namapofu, naʋanokamhina. Muranda akati: Ishe, iɀo ɀamaraira, ɀaitwa, asi nɀimbo ici’po. Ishe akati kumuranda: Ƃuɗa kunzira nokuʋuzhowa, uʋagombedzere ʋapinde, imba yaŋgu izare.
Ruka 14:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)