Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:14-35

Ruka 14:14-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.” Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji. Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’ “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’ “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’ “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’ “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’ “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’ “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare. Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’ ” Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye akatendeukira kwavari akati, “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu. “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here? Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka, achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’ “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri? Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari. Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu. “Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 14

Ruka 14:14-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!” Iye akati kwaari, “Mumwe munhu akagadzira chirariro chikuru, akakokera vazhinji. “Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’ Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’ Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’ Muranda akati, ‘Ishe, izvo zvamarayira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.’ “Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare. Nokuti ndinoti kwamuri, hakuna mumwe kuna varume avo vandakokera, acharavira chirariro changu.’ ” Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendeuka, akati kwavari, “Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una, nehanzvadzi, kunyange noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu. Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake, akauya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu. Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo? Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozviona, vasatanga kumuseka, vachiti, ‘Uyu munhu akatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.’ Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, asingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvine gumi, angagona kundosangana noanouya kuzorwa naye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvina makumi maviri? Kana asingagoni, anotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare. Saizvozvowo, ani naani kwamuri asingasii zvose zvaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.” “Munyu wakanaka; asi kana munyu wakashapa, acharungwa neiko? Hauchine basa pamunda, kana padutu romupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 14

Ruka 14:14-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Uchakomborerwa nokuti havagoni kuzokudzorerawo. Unozodzorerwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.” Asi Jesu akati kwaari, “Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vanhu vakawanda.” Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’ Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’ Muranda akati, ‘Changamire zvamati zviitwe zvaitwa asi nzvimbo ichiripo.’ Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare. Nokuti ndinokutaurirai kuti hapana kana nomumwechete waavo vakakokwa acharavira mabiko angu.’ ” Vanhu vazhinji–zhinji vaifamba pamwechete naJesu. Akatendeuka akati kwavari, “Kana munhu akauya kwandiri iye asingabvisi mwoyo wake pana baba naamai vake nomudzimai wake navana vake navakomanavanun'una nehanzvadzi dzake uye ndinototi kunyange upenyu hwake, haakwanisi kuva mudzidzi wangu. Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haakwanisi kuva mudzidzi wangu. Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here? Zvingaitike kuti iye achera ugaro hwayo wotadza kuipedza. Vose vanoiona vanotanga kumuseka vachiti, ‘Murume uyu akatangisa kuvaka asi akatadza kupedza.’ Kana kuti ndoupi mambo anenge ava kuda kuenda kundorwisana nomumwe mambo, asingatangi agara pasi achimbobvunza mazano kuti angagone here nezviuru gumi kundorwisana neane zviuru makumi maviri? Kana zvisingagoneki, mumwe uya achiri kure, iye anotumira mumiriri wokukumbira zvokuti pave norunyararo. Naizvozvo aninani asingasiyi zvose zvaanazvo haakwanisi kuva mudzidzi wangu.” Munyu wakanaka. Asi kana munyu warungunduka unozovaviswa nei. Unenge usisina basa kumunda, kana pamupfudze. Vanhu vanourasa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 14

Ruka 14:14-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo ucaropafadzwa, ɀaʋasinaɀaʋaŋgakuripira naɀo, nokuti ucaripirwa pakumuka kwaʋakarurama. Mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya wakati aciɀinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo ucadya ɀokudya paʋushe bgaMŋari! Iye akati kwaari: Mumŋe munhu wakagadzira cirayiro cikuru, akakokera ʋazhinji. Akatuma muranda wake neŋguʋa yokurayira kuti aʋudze ʋakaŋga ʋakakokerwa, kuti: Ʋuyai, nokuti ɀose ɀagadzirwa ɀino. Ipapo ʋose ʋakataŋga nomŋoyo mumŋe kuɀireʋera. Wokutaŋga akati kwaari: Ndateŋga munda, ndinofanira kumbondouʋona; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndateŋga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndawana mukadzi, naiɀoɀo handiŋgaʋuyi. Muranda akaʋuya, akaʋudza ishe wake iɀoɀo. Ipapo mŋene weimba akatsamŋa, akati kumuranda wake: Kurumidza, uɓuɗe kunzira huru neɗuku dzomumusha, uʋuye pano naʋarombo, neɀirema, namapofu, naʋanokamhina. Muranda akati: Ishe, iɀo ɀamaraira, ɀaitwa, asi nɀimbo ici’po. Ishe akati kumuranda: Ƃuɗa kunzira nokuʋuzhowa, uʋagombedzere ʋapinde, imba yaŋgu izare. Nokuti ndinoti kwamuri: Hakunomumŋe kunaʋarume aʋo ʋandakokera, ucaraʋira cirayiro caŋgu. Ɀino ʋazhinji‐zhinji ʋakafamba naye; akatendeʋuka, akati kwaʋari: Kana munhu aciʋuya kwandiri, asiŋgaʋeŋgi ɓaɓa ʋake namai, nomukadzi, naʋana, naʋanuŋuna, nehanɀadzi, kunyaŋge noʋupenyu bgake ʋo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Aninani usiŋgatakuri mucinjikwa wake, akaʋuya shure kwaŋgu, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana anemari yokuipedzisa nayo? Kuti ɀimŋe kana ataŋga nheyo, akakoniwa kupedzisa, ʋose ʋanoɀiʋona, ʋasataŋga kumuseka, ʋaciti: Uyu munhu wakataŋga kuʋaka, akakoniwa kupedzisa. Kana ndoupiko mambo, kana acienda kundorwa nomumŋe mambo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaraŋgarira kana iye, unaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi, aŋgagona kundosoŋgana nounoʋuya kuzorwa naye, anaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinamakumi maʋiri? Kana asiŋgagoni, unotuma nhume, iye aciri kure, kundokumbira mashoko orugare. Saiɀoɀo ʋo, aninani kwamuri usiŋgasiyi ɀose ɀaanaɀo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Munyu wakanaka; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucineɓasa pamunda, kana paɗutu romupfudze; ʋanourashira kunze. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 14

Ruka 14:14-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)