Ruka 13:34-35
Ruka 13:34-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba. Chiona, imba yako yasiiwa yava dongo. Ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Ruka 13:34-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba! Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’ ”
Ruka 13:34-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Jerusaremu, Jerusaremu, unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; asi ndinoti kwamuri, hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!’ ”
Ruka 13:34-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba. Chiona, imba yako yasiiwa yava dongo. Ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Ruka 13:34-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jerusarema, Jerusarema, unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri; ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo; asi ndinoti kwamuri: Hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe!