Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 13:1-21

Ruka 13:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino panguva iyoyo vamwe vaivapo vakaudza Jesu nezvavaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato. Jesu akapindura akati, “Munofunga kuti vaGarirea ava vakanga vari vatadzi zvakanyanya kupfuura vose here zvavakatambudzika nenzira iyi? Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose. Kana vaya gumi navasere vakafa pavakawirwa neshongwe yeSiroami, munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here? Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.” Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri. Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’ “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze. Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’ ” Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata, uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka. Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masunungurwa pachirwere chenyu.” Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari. Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.” Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, oenda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here? Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?” Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita. Ipapo Jesu akavabvunza achiti, “Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko? Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo.” Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko? Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuudza shoko ravaGariria vakanga vavenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato. Akapindura, akati kwavari, “Munoti vaGariria avo vakanga vari vatadzi here kupfuura vaGariria vose, zvavakatambudzika saizvozvo? Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo. Kana vaya vane gumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavauraya, munoti vakanga vane mhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusaremu here? Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo.” Zvino akataura mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga ano muonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemidzambiringa; akauya achitsvaka muchero kwauri, akaushayiwa. Ipapo akati kumurimi womunda wemidzambiringa, ‘Tarira, ndauya makore matatu ndichitsvaka michero pamuonde uyu, ndikaushayiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?’ Akapindura, akati kwaari, ‘Ishe, muuregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze; kana ukazobereka michero, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu.’ ” Zvino akanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi weSabata. Zvino tarira, kwaivapo mukadzi aiva nomweya wourwere makore ane gumi namasere; akanga akafunyana, asingatongogoni kusimuka. Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake pamusoro pake; akatasanuka pakarepo, akarumbidza Mwari. Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu akaporesa nomusi weSabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji, “Mazuva matanhatu aripo, anofanira kushandwa nawo; uyai naiwayo, muporeswe; asi musauya nomusi weSabata.” Asi Ishe akamupindura, akati, “Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi weSabata, akaenda nayo kundoinwisa here? Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, akanga akasungwa naSatani makore ane gumi namasere, haaizafanira kusunungurwa nomusi weSabata pachisungo ichi here?” Zvino akati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisvonaka, zvakaitwa naye. Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana neiko? Ndichahufananidza nei? Hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akadyara mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.” Akatizve, “Ushe hwaMwari ndichahufananidza neiko? Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Panguva iyoyo pane vamwe vakanga varipo vakataurira Jesu nezvavaGarirea vane ropa rakasanganiswa nezvibayiro zvavo naPirato. Akavapindura achiti, “Munofunga kuti vaGarirea ivavo vakanga vari vatadzi kupfuura vamwe vaGarirea vose here zvavakatambudzika kudaro? Ndinoti, ‘Kwete.’ Asi imi mukarega kutendeuka muchapararawo mose saizvozvo. Kana vaya gumi navasere vakawirwa neshongwe yomuSirowamu ikavauraya; munofunga kuti vakanga vari vatadzi kupinda vamwe vose vaigara muJerusaremu here? Ndinokutii, ‘Kwete.’ Asi imi, mukasatendeuka muchapararawo mose saizvozvo.” Jesu akavataurira muenzaniso uyu, achiti, “Mumwe munhu akanga ane muonde wakasimwa mubindu rake ramagirepisi. Akauya achitsvaka muchero pauri akaushaya.” Akati kumurimi wamagirepisi. “Tarisa uone, kwamakore matatu aya ndakauya ndichitsvaka muchero pamuonde uyu asi hapana chandinowana. Uteme. Ungatambisirei zvawo ivhu.” Iye akamupindura achiti, “Chimbouregai zvenyu, changamire, kwegore rinozve, kusvikira ndautimbira uye ndauisa mupfudze. Kana ukabereka muchero gore rinouya zvakanaka; kana usina moutema zvenyu.” Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata. Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza. Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake paari. Pakarepo akatwasanudzwa. Akabva arumbidza Mwari. Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.” Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura. Ko zvino mudzimai uyu, mwanasikana waAbhurahamu akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haafaniri kusunungurwa here mumusungo uyu pamusi weSabata?” Paakataura izvi mhandu dzake dzose dzakanyadziswa asi vanhu vose vakafara nezvinhu zvose zvino mukurumbira zvaakaita. Jesu akazoti, “Umambo hwaMwari hungafananidzwe nei, ndingauenzanise neiko? Hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akandoidyara mubindu rake. Yakakura ikava muti. Shiri dzedenga dzakaita matendere mumapazi awo.” Akatizve umambo hwaMwari ndingahauenzanise nei? Hwakaita sembiriso yakatorwa nomudzimai akakanya muzviero zvitatu zvoupfu kusvikira zvatutuma.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋakaŋga ʋari’po ʋakamuʋudza shoko raʋaGarirea ʋakaŋga ʋaveŋganisirwa ropa raʋo neɀiɓayiro ɀaʋo naPirato. Akapindura, akati kwaʋari: Munoti ʋaGarirea aʋo ʋakaŋga ʋari ʋatadzi here kupfuʋura ʋaGarirea ʋose, ɀaʋakatambudzika saiɀoɀo? Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo. Kana ʋaya ʋanegumi naʋasere, ʋakawirwa neȿiŋgo yeSiroami, ikaʋaʋuraya, munoti ʋakaŋga ʋanemhoȿa kukunda ʋanhu ʋose ʋaigara Jerusarema here? Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo. Ɀino wakataura mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga anomuʋonde, wakaŋga wakasimŋa mumunda wake wemizambiriŋga; akaʋuya acitȿaka ɀiɓereko kwauri, akashaiwa. Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiriŋga: Tarira, ndaʋuya makore matatu ndicitȿaka ɀiɓereko pamuʋonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi? Akapindura, akati kwaari: Ishe, muuregei henyu nhaka, kuȿikira ndiciurimira, nokuuisa mupfudze; kana ukazoɓereka ɀiɓereko, ɀakanaka; asi kana usiŋgaɓereki, muŋgazoutema henyu. Ɀino wakaŋga acidzidzisa munerimŋe sinagoge nomusi wesaɓata. Ɀino tarira, kwaiʋa’po mukadzi waiʋa nomŋeya woʋurwere makore anegumi namasere; wakaŋga akafunyana, asiŋgatoŋgogoni kusimuka. Jesu akati acimuʋona, akamuɗana, akati kwaari: Mai, wasunuŋgurwa paʋurwere bgako. Akaisa maʋoko ake pamsoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mŋari. Ɀino mukuru wesinagoge akatsamŋa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesaɓata, akapindura, akati kuʋanhu ʋazhinji: Mazuʋa matanhatu ari’po, anofanira kuɓatwa nawo; ʋuyai naiwayo, muporeswe; asi musaʋuya nomusi wesaɓata. Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, ʋanyeŋgeri! Ko mumŋe nomumŋe wenyu haaŋgasunuŋguri ŋombe yake kana mboŋgoro yake pacidyiro nomusi wesaɓata, akaenda nayo kundoinwisa here? Ɀino mukadzi uyu, mŋanasikana waAbrahama, wakaŋga akasuŋgwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunuŋgurwa nomusi wesaɓata pacisuŋgo ici here? Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, ʋadziʋisi ʋake ʋose ʋakanyadziswa; asi ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakafara neɀinhu ɀose ɀakaiȿo‐naka ɀakaitwa naye. Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana neiko? Ndicabgufananidza nei? Bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokuɗeŋga dzikagara pamataʋi awo. Akati ɀe: Ʋushe bgaMŋari ndicabgufananidza neiko? Bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)