Ruka 12:54-56
Ruka 12:54-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati kuvanhu vazhinji, “Pamunoona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, ‘Kuchanaya,’ zvigoita saizvozvo. Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo. Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino?
Ruka 12:54-56 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kuvanhu vazhinji, “Kana muchiona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo. Kana muchiona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti, kuchapisa kwazvo; zvoitika. Imi vanyengeri; munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi sei kududzira nguva ino?
Ruka 12:54-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kuruzhinji rwavanhu, “Kana mukaona gore richikwira richibva kumadokero munobva mati kuchanaya. Izvo zvichibva zvaitikawo. Kana mukaona mhepo yokumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti kuchapisa zvakanyanya, zvichibva zvaitika. Imi vanyengedzi, munoziva kududzira mamiriro anenge akaita kunze panyika nomudenga asi sei musingazivi kududzira zvenguva ino?
Ruka 12:54-56 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kuʋanhu ʋazhinji: Kana muciʋona gore ricikwira kumaʋirira, pakarepo munoti: Mvura icanaya; ɀoitika saiɀoɀo. Kana muciʋona mhepo icivuvuta icibva Zasi, munoti: Kucapisa kwaɀo; ɀoitika. Imi ʋanyeŋgeri, munoziʋa kuɗudzira ɀamunoʋona ɀenyika neɀokuɗeŋga, asi hamuziʋi nei kuɗudzira ŋguʋa ino?
Ruka 12:54-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)