Ruka 12:51-53
Ruka 12:51-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa. Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu. Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.”
Ruka 12:51-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri, kwete, asi kupesanisa. Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu. Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.”

Ruka 12:51-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Regai kufunga kutoti ndakauya kuzounza rugare panyika. Ndinokutaurirai kuti kwete asi kuti ndakaunza kuparadzanisa. Kubvira zvino mumba mumwechete muchava navashanu vakapararana. Vatatu vachipesana navaviri. Vaviri vachipesana navatatu. Baba vachapesana nomwanakomana, mwanakomana achipesana nababa. Amai vachapesana nemwanasikana. Mwanasikanawo achapesana naamai vake. Vamwene vachapesana nomuroora; muroora achipesanawo navamwene vake.”
Ruka 12:51-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munofuŋga kuti ndakaʋuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa. Nokuti kubva ɀino ʋashanu ʋeimba imŋe ʋacapesana, ʋatatu ʋacipesana naʋaʋiri, ʋaʋiri naʋatatu. Ƃaɓa ʋacapesana nomŋanakomana waʋo, nomŋanakomana naɓaɓa ʋake; mai nomŋanasikana waʋo, nomŋanasikana namai ʋake; ʋamŋene nomukadzi womŋanakomana waʋo, nomukadzi womŋanakomana naʋamŋene ʋake.
Ruka 12:51-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)