Ruka 12:4-5
Ruka 12:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye.
Ruka 12:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndinoti kwamuri, hama dzangu, musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye.
Ruka 12:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’ Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei.
Ruka 12:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoti kwamuri, hama dzaŋgu: Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, ʋasiŋgazogoni kuita cimŋe cinhu shure kwaiɀoɀo. Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye.
Ruka 12:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)