Ruka 12:4-12
Ruka 12:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye. Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari. Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji. “Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi. “Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei, nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.”
Ruka 12:4-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndinoti kwamuri, hama dzangu, musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye. Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari. “Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuura shiri duku zhinji. “Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. “Mumwe nomumwe anoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, achakanganwirwa, asi anoshonha Mweya Mutsvene haangakanganwirwi. “Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru vakuru, musafunganya kuti tichapindura sei, kana tichapindurei, kana tichataurei. Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.”
Ruka 12:4-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’ Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei. Tushiri tudiki tushanu hatutengeswi namasendi maviri here? Asi hapana kana kamwe katwo kanokanganikwa naMwari? Inga wani kunyange vhudzi romusoro wenyu rakaverengwa. Musatye. Munokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Ndinokutaurira kuti, ‘Munhu wose anondibvuma pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamubvumawo pamberi pavatumwa vaMwari.’ Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Munhu wose anotaura zvakaipa nezveMwanakomana womunhu acharegererwa. Asi uyo anoshonha Mweya Mutsvene haaregererwi. “Kana vakakukwidzai matare omumasinagogu kana kumatare enyika kana kuvakuru vakuru venyika, musazvitambudze kuti muchapindura sei kana kuti muchapindurei kana kuti muchataurei; nokuti mweya Mutsvene achakudzidzisai panguva iyoyo zvamunofanira kutaura.”
Ruka 12:4-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoti kwamuri, hama dzaŋgu: Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, ʋasiŋgazogoni kuita cimŋe cinhu shure kwaiɀoɀo. Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye. Ko shiri ɗuku shanu hadziteŋgeswi nepeni here? Hakunaimŋe yadzo inokaŋganikwa pamberi paMŋari. Asi nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Musatya, munopfuʋura shiri ɗuku zhinji. Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unondipupura pamberi paʋanhu, Mŋanakomana womunhu ucamupupura ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. Asi unondiramba pamberi paʋanhu, ucarambga ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. Mumŋe nomumŋe unoreʋa shoko rakaipa pamsoro poMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa, asi unomhura Mŋeya Mutȿene haaŋgakaŋganwirwi. Kana ʋacikuisai pamberi pamasinagoge naʋatoŋgi naʋakuru, musafuŋganya kuti mucapindura sei, kana inyiko, kana mucataurei. Nokuti Mŋeya Mutȿene ucakudzidzisai neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura.
Ruka 12:4-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)