Ruka 12:13-59
Ruka 12:13-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.” Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza, nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo. “Garai makakunyira nguwo dzenyu muchiuno makabatidza mwenje yenyu makaita savanhu vakamirira tenzi wavo kudzoka kumusha achibva kumuchato kuti vamuzarure pakarepo kana auya achigogodza. Vakakomborerwa varanda avo vanowanikwa naTenzi vakasvinura paanouya. Ndinokutaurirai zvechokwadi kuti achakunya nguwo dzake ovati vagare pakudya iye wouya achivaperekera; pangave pakati pousiku paanouya kana kuti nenguva yomurirakamwe chero achingovawana vakadaro vakakomborerwa zvavo varanda ivavo. Asi zivai izvi zvokuti dai kuri kuti saimba aiziva nguva inouya mbavha nayo angadai aigara akasvinura haairega imba yake ichipazwa. Nemiwo munofanira kugara makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingatarisiri.” Pita akati, “Tenzi, muri kuitira muenzaniso uyu isu kana kuti muri kuuitira vanhu vose here?” Tenzi akati, “Ndoupi, zvino, mutariri akatendeka uye akangwara anoiswa natenzi pabasa rokutarira vomumusha make kuti avape mugove wavo wechokudya nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana Tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi muranda uyo akazviti, Tenzi, wangu anonoka kuuya. Iye wotangisa kurova varanda vechirume nevechikadzi achidya nokunwa achiraradza tenzi womuranda iyeyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi. Achamuranga achizomuisa kuna vasingatendeki. Muranda uyo anoziva zvinodiwa natenzi wake asi asina kugadzirira kana kuita zvinodiwa naTenzi wake acharohwa zvikuru. Asi uyo akaita zvinokodzera kuti arohwe, acharohwa hake zvishoma. Munhu wose anopiwa zvakawanda, kwaari kunotarisirwawo zvakawanda. Kunouyo akaturirwa zvizhinji vanotarisirawo kwaari zvakatowandisa. “Ndakauya kuzokanda moto panyika. Ndinodisisa seiko kuti dai wakatobatira. Ndine ruombeko rwandinofanira kuombekwa narwo uye kuti ndinodisisa seiko kuti dai rwaitwa. Regai kufunga kutoti ndakauya kuzounza rugare panyika. Ndinokutaurirai kuti kwete asi kuti ndakaunza kuparadzanisa. Kubvira zvino mumba mumwechete muchava navashanu vakapararana. Vatatu vachipesana navaviri. Vaviri vachipesana navatatu. Baba vachapesana nomwanakomana, mwanakomana achipesana nababa. Amai vachapesana nemwanasikana. Mwanasikanawo achapesana naamai vake. Vamwene vachapesana nomuroora; muroora achipesanawo navamwene vake.” Jesu akati kuruzhinji rwavanhu, “Kana mukaona gore richikwira richibva kumadokero munobva mati kuchanaya. Izvo zvichibva zvaitikawo. Kana mukaona mhepo yokumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti kuchapisa zvakanyanya, zvichibva zvaitika. Imi vanyengedzi, munoziva kududzira mamiriro anenge akaita kunze panyika nomudenga asi sei musingazivi kududzira zvenguva ino? “Munoregerei kuzvifungirawo pachenyu zvakanaka. Pamunenge muchienda kudare neanenge akukwirira dare edza kuyanana naye muchiri munzira nokuti angadaro akakukwekweretsera kumutongi; mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, mupurisa achizokuisa mujeri. Ndinokuudza kuti haumbofa wakabuda kusvikira wabhadhara sendi rokupedzisira.”
Ruka 12:13-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka. Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’ “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu. Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.” ’ “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’ “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka. Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei! Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya? Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya. Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku! Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo. Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. “Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo. Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo. “Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta, savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova. Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakarindira paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi kuti achazvishongedza iye pachake kuti ashande, achaita kuti vagare patafura agouya avashandire. Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakagadzirira, kunyange dai akauya nenguva yokurindira yechipiri kana yechitatu yousiku. Asi nzwisisai izvi: kuti dai mwene weimba aiziva nguva inosvika mbavha, haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Nemiwo munofanira kugara makazvigadzirira, nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.” Petro akati, “Ishe, munotaura mufananidzo uyu kwatiri here kana kuna vose?” Ishe akapindura akati, “Ndoupiko mutariri akachenjera, uye akatendeka, anoiswa natenzi wake pamusoro pavashandi kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? Zvichava zvakanaka kumuranda uyo achawanikwa natenzi wake achiita izvozvo paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi, kuti, achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. Asi ngatimboti muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvambura-bvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi. “Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji. Asi munhu anenge asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari. “Ndakauya kuzobatidza moto panyika, uye ndinoshuva sei kuti dai wakabatidzwa kare! Asi ndino rubhabhatidzo rwandichapinda marwuri, uye ndinoshungurudzwa sei kusvikira ruchiitika! Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa. Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu. Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.” Akati kuvanhu vazhinji, “Pamunoona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, ‘Kuchanaya,’ zvigoita saizvozvo. Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo. Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino? “Munoregereiko kuzvitongera zvakarurama? Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri. Ndinoti kwauri, haungabudimo usati waripa sendi rokupedzisira.”
Ruka 12:13-59 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai munun'una wangu kuti agovane nhaka neni.” Iye akati kwaari, “Iwe munhu, ndianiko akandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Akati kwavari, “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” Akavataurira mufananidzo, akati, “Munda womumwe mupfumi wakanga wabereka kwazvo; akafunga mumwoyo make, akati, ‘Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira mbesanwa dzangu.’ Akati, ‘Ndichaita kudai, ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka zvandinazvo, ndigoti kumweya wangu, Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji, zorora, udye, unwe, ufare.’ Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’ “Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.” Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka. Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya? Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here? “Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo. Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi. Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa. “Musatya henyu, imi veboka duku, nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe. Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, pfuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho. “Nokuti pane pfuma yenyu, nomwoyo wenyu uchavapowo. “Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute. Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo womuchato; kuti kana akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo. Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, anovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, achazvisunga chiuno iye, akavagarisa pakudya, akauya akavashandira. “Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yousiku, akavawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo. Asi muzive izvi, kuti dai muridzi weimba aiziva nguva inouya nayo mbavha, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. Nemiwo mugare makazvigadzira, nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yamusingafungi.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kuna vose here?” Ishe akati, “Ndianiko mutariri akatendeka, akachenjera, achaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? “Akaropafadzwa muranda uyo anoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti achamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uyo akareva mumwoyo make, achiti, ishe wangu anonoka kuuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akadhakwa, ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwechete navasakatendeka. Muranda uyo akaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, acharohwa zvakanyanya. “Asi asina kuziva, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa zvishoma. Akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; anotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari. “Ndakauya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti, dai watobatidzwa hawo! Ndino rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika. Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri, kwete, asi kupesanisa. Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu. Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.” Akati kuvanhu vazhinji, “Kana muchiona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo. Kana muchiona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti, kuchapisa kwazvo; zvoitika. Imi vanyengeri; munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi sei kududzira nguva ino? “Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama? Nokuti kana uchienda kuna she nomudzivisi wako, edza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa, mupurisa akuise mutorongo. Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.”
Ruka 12:13-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.” Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza, nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo. “Garai makakunyira nguwo dzenyu muchiuno makabatidza mwenje yenyu makaita savanhu vakamirira tenzi wavo kudzoka kumusha achibva kumuchato kuti vamuzarure pakarepo kana auya achigogodza. Vakakomborerwa varanda avo vanowanikwa naTenzi vakasvinura paanouya. Ndinokutaurirai zvechokwadi kuti achakunya nguwo dzake ovati vagare pakudya iye wouya achivaperekera; pangave pakati pousiku paanouya kana kuti nenguva yomurirakamwe chero achingovawana vakadaro vakakomborerwa zvavo varanda ivavo. Asi zivai izvi zvokuti dai kuri kuti saimba aiziva nguva inouya mbavha nayo angadai aigara akasvinura haairega imba yake ichipazwa. Nemiwo munofanira kugara makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingatarisiri.” Pita akati, “Tenzi, muri kuitira muenzaniso uyu isu kana kuti muri kuuitira vanhu vose here?” Tenzi akati, “Ndoupi, zvino, mutariri akatendeka uye akangwara anoiswa natenzi pabasa rokutarira vomumusha make kuti avape mugove wavo wechokudya nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana Tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi muranda uyo akazviti, Tenzi, wangu anonoka kuuya. Iye wotangisa kurova varanda vechirume nevechikadzi achidya nokunwa achiraradza tenzi womuranda iyeyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi. Achamuranga achizomuisa kuna vasingatendeki. Muranda uyo anoziva zvinodiwa natenzi wake asi asina kugadzirira kana kuita zvinodiwa naTenzi wake acharohwa zvikuru. Asi uyo akaita zvinokodzera kuti arohwe, acharohwa hake zvishoma. Munhu wose anopiwa zvakawanda, kwaari kunotarisirwawo zvakawanda. Kunouyo akaturirwa zvizhinji vanotarisirawo kwaari zvakatowandisa. “Ndakauya kuzokanda moto panyika. Ndinodisisa seiko kuti dai wakatobatira. Ndine ruombeko rwandinofanira kuombekwa narwo uye kuti ndinodisisa seiko kuti dai rwaitwa. Regai kufunga kutoti ndakauya kuzounza rugare panyika. Ndinokutaurirai kuti kwete asi kuti ndakaunza kuparadzanisa. Kubvira zvino mumba mumwechete muchava navashanu vakapararana. Vatatu vachipesana navaviri. Vaviri vachipesana navatatu. Baba vachapesana nomwanakomana, mwanakomana achipesana nababa. Amai vachapesana nemwanasikana. Mwanasikanawo achapesana naamai vake. Vamwene vachapesana nomuroora; muroora achipesanawo navamwene vake.” Jesu akati kuruzhinji rwavanhu, “Kana mukaona gore richikwira richibva kumadokero munobva mati kuchanaya. Izvo zvichibva zvaitikawo. Kana mukaona mhepo yokumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti kuchapisa zvakanyanya, zvichibva zvaitika. Imi vanyengedzi, munoziva kududzira mamiriro anenge akaita kunze panyika nomudenga asi sei musingazivi kududzira zvenguva ino? “Munoregerei kuzvifungirawo pachenyu zvakanaka. Pamunenge muchienda kudare neanenge akukwirira dare edza kuyanana naye muchiri munzira nokuti angadaro akakukwekweretsera kumutongi; mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, mupurisa achizokuisa mujeri. Ndinokuudza kuti haumbofa wakabuda kusvikira wabhadhara sendi rokupedzisira.”
Ruka 12:13-59 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe pakati paʋazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, ʋudzai munuŋuna waŋgu kuti agoʋane nhaka neni. Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutoŋgi kana mugoʋeri pakati penyu? Akati kwaʋari: Cenjerai, muɀiceŋgete pakuciʋa kwose, nokuti ʋupenyu bgomunhu habguzi paɀinhu ɀakawanda ɀaanaɀo. Akaʋataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumŋe mufumi yakaŋga yaɓereka kwaɀo; akafuŋga mumŋoyo make, akati: Ndicaita seiko? Nokuti handina‐pandiŋgaʋuŋganidzira ɀiɓereko ɀaŋgu. Akati: Ndicaita kuɗai: Ndicaputsa matura aŋgu, ndikaʋaka makuru; ndicaʋuŋganidzira’po ɀiyo ɀaŋgu, neɀose ɀaŋgu ɀakanaka, ndigoti kumŋeya waŋgu: Mŋeya, uneɀakawanda ɀakanaka, ɀakaʋigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare. Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani? Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀiʋuŋganidzira fuma, asiŋgafumi kunaMŋari. Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei? Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka. Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei! Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe? Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgakupfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here? Imi musatȿaka ɀamucadya, neɀamucanwa; musaɀidya mŋoyo. Nokuti ɀinhu iɀoɀi ɀose ɀinotȿakwa naʋahedeni; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi. Asi tȿakai ʋushe bgaʋo, naiɀoɀo ɀose mucaɀiwedzerwa. Musatya henyu, imi kapoka kaɗuku, nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanofara nokukupai ʋushe. Teŋgesai ɀamunaɀo, mupe ɀipo; muɀiitire ɀikwama ɀisiŋgasakari, fuma isiŋgaperi kuɗeŋga, pasiŋgaȿiki mbava, pasiŋgaparadzi ɀipfunho. Nokuti panefuma yenyu, nomŋoyo wenyu ucaʋa’po ʋo. Ɀiʋuno ɀenyu ŋgaɀigare ɀakasuŋgwa, nemŋenje yenyu ipfute. Nemi muʋe saʋanhu ʋakarindira ishe waʋo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akaȿika, akagogodza, ʋamuzarurire pakarepo. Ʋakaropafadzwa ʋaranda aʋo, ʋanoti, kana ishe aciȿika, unoʋawana ʋakarindira. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucaɀisuŋga ciʋuno iye, akaʋagarisa pakudya, akaʋuya akaʋashandira. Kana akaȿika neŋguʋa yokurindira yecipiri, kana yecitatu yoʋusiku, akaʋawana ʋakaɗaro, ʋakaropafadzwa ʋaranda iʋaʋo. Asi muziʋe iɀi, kuti ɗai mŋene weimba aiziʋa ŋguʋa inoʋuya nayo mbava, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. Nemi ʋo mugare makaɀigadzira, nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yamusiŋgafuŋgi. Ɀino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunaʋose here? Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakacenjera, ucaiswa nashe wake pamsoro paʋaranda ʋake, kuti aʋape mugoʋe weɀokudya ɀaʋo neŋguʋa yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo. Asi kana muranda uyo akareʋa mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka kuʋuya; akataŋga kuroʋa ʋaranda, ʋarume naʋakadzi, akadya, akanwa, akaɓatwa, ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgatariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi, akamuroʋesa ɀikuru, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋasakatendeka. Muranda uyo wakaziʋa kuɗa kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuɗa kwake, ucarobga ɀizhinji. Asi usina‐kuziʋa, akaita ɀakafanira kurobga, ucarobga ɀishoma. Wakapiwa ɀizhinji, ɀizhinji ɀicatȿakwa kwaari; unotendwa neɀizhinji, ʋacareʋa ɀinopfuʋurisa kwaari. Ndakaʋuya kuzokanda mŋoto panyika; ɀino ndinoti: Ƌai watoɓatidzwa hawo! Ndinorubapatidzo rwandicabapatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kuȿikira ɀiciitika. Munofuŋga kuti ndakaʋuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa. Nokuti kubva ɀino ʋashanu ʋeimba imŋe ʋacapesana, ʋatatu ʋacipesana naʋaʋiri, ʋaʋiri naʋatatu. Ƃaɓa ʋacapesana nomŋanakomana waʋo, nomŋanakomana naɓaɓa ʋake; mai nomŋanasikana waʋo, nomŋanasikana namai ʋake; ʋamŋene nomukadzi womŋanakomana waʋo, nomukadzi womŋanakomana naʋamŋene ʋake. Akati kuʋanhu ʋazhinji: Kana muciʋona gore ricikwira kumaʋirira, pakarepo munoti: Mvura icanaya; ɀoitika saiɀoɀo. Kana muciʋona mhepo icivuvuta icibva Zasi, munoti: Kucapisa kwaɀo; ɀoitika. Imi ʋanyeŋgeri, munoziʋa kuɗudzira ɀamunoʋona ɀenyika neɀokuɗeŋga, asi hamuziʋi nei kuɗudzira ŋguʋa ino? Munoregereiko kuɀitoŋgera mumene ɀakarurama? Nokuti kana uciendakunashe nomudziʋisi wako, idza kuti uregedzwe naye muciri munzira; kuti arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi akuise kumupurisa, mupurisa akusuŋge mutoroŋgo. Ndinoti kwauri, hauŋgatoŋgoɓuɗi’mo, usati waripa kamari kwokupedzisira.