Ruka 11:1-2
Ruka 11:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.” Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
Ruka 11:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.” Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye
Ruka 11:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.” Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’
Ruka 11:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati acinyeŋgetera paneimŋe nɀimbo, apedza, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyeŋgetera, Johane seɀaakadzidzisa ʋadzidzi ʋake ʋo. Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye
Ruka 11:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)