Ruka 10:33-35
Ruka 10:33-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta. Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’
Ruka 10:33-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mumwe muSamaria, akanga ari parwendo, akasvika kwaari; akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta. “Zvino, ava mangwana, akabudisa madhenari maviri, akaapa muridzi weimba, akati, ‘Muchengete, zvose zvaunomupa kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.’ ”
Ruka 10:33-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi mumwe muSamaria aifambawo rwendo. Akasvikawo paakanga ari. Paakamuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akasunga maronda ake achiadira mafuta newaini. Akamukwidza pachipfuo chake akaenda naye kuhotera akamupepa. Mangwana acho akabvisa mari chena mbiri dzamadhenari akapa muridzi wehotera achiti, ‘Mupepei. Mari yamunenge mazoshandisa pamusoro peiyi, ndichakubhadharai kana ndodzoka.’ ”
Ruka 10:33-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe muSamaria, wakaŋga ari parwendo, wakaȿika kwaari; akati acimuʋona, akamunzwira tsitsi, akaenda kwaari, ndokupombera maʋaŋga ake, akaaɗira mafuta newaini; akamukwidza pacipfuwo cake, ndokumuisa kuimba yaʋaeni, ndokumuceŋgeta. Ɀino, aʋa maŋgwana, akaɓuɗisa madenari maʋiri, akaapa mŋene weimba, akati: Muceŋgete; ʋuye ɀose ɀaunomuripira kupfuʋura iɀi, ndicakupa ɀe, kana ndicidzoka.
Ruka 10:33-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)