Ruka 10:30-35
Ruka 10:30-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa. Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona murume uyo, akamunyenyeredza. Saizvozvowo, muRevhi akasvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo. Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta. Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’
Ruka 10:30-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati, “Mumwe munhu akabva Jerusaremu, akaburukira Jeriko, akawirwa namakororo, akamupamba nguo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa. Zvino mumwe mupristi akanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuona, akamunyenyeredza. Nokudaro muRevhiwo akasvikapo, akamuona, akamunyenyeredza. Zvino mumwe muSamaria, akanga ari parwendo, akasvika kwaari; akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta. “Zvino, ava mangwana, akabudisa madhenari maviri, akaapa muridzi weimba, akati, ‘Muchengete, zvose zvaunomupa kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.’ ”
Ruka 10:30-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akapindura achiti, “Mumwe murume aidzika kuJeriko achibva kuJerusaremu. Akawira mukati memakororo. Vakamubvisa hanzu dzake vakamurova vakaenda vachisiya ava kuda kufa. Zvakaitika kuti mupristi aidzika nomugwagwa iwoyo. Paakamuona akamunyenyeredza nokoko. Ndizvo zvimwechetezvo nomuRevhi, paakasvikapo akamuona akamunyenyeredzawo nokoko. Asi mumwe muSamaria aifambawo rwendo. Akasvikawo paakanga ari. Paakamuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akasunga maronda ake achiadira mafuta newaini. Akamukwidza pachipfuo chake akaenda naye kuhotera akamupepa. Mangwana acho akabvisa mari chena mbiri dzamadhenari akapa muridzi wehotera achiti, ‘Mupepei. Mari yamunenge mazoshandisa pamusoro peiyi, ndichakubhadharai kana ndodzoka.’ ”
Ruka 10:30-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati: Mumŋe munhu wakabva Jerusarema, akaɓurukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba ŋguʋo, akamuroʋa, akaenda, ndokumusiya oɗa kufa. Ɀino mumŋe muprista wakaŋga aciŋgoɓuruka hake nenzira iyo; akati acimuʋona, akanyenyeredza. Nokuɗaro muRevi ʋo wakaȿika’po, akamuʋona, akanyenyeredza. Ɀino mumŋe muSamaria, wakaŋga ari parwendo, wakaȿika kwaari; akati acimuʋona, akamunzwira tsitsi, akaenda kwaari, ndokupombera maʋaŋga ake, akaaɗira mafuta newaini; akamukwidza pacipfuwo cake, ndokumuisa kuimba yaʋaeni, ndokumuceŋgeta. Ɀino, aʋa maŋgwana, akaɓuɗisa madenari maʋiri, akaapa mŋene weimba, akati: Muceŋgete; ʋuye ɀose ɀaunomuripira kupfuʋura iɀi, ndicakupa ɀe, kana ndicidzoka.
Ruka 10:30-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)