Ruka 10:2-3
Ruka 10:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 10Ruka 10:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake. Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwayana pakati pamapere.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 10Ruka 10:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akavati kukohwa kwakawanda, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mubasa rake rokukohwa. Chiendai. Tarisai, ndiri kukutumai sehwayana mukati memhumhi.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 10