Ruka 10:1-2
Ruka 10:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Ishe akagadzazve vamwe vana makumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.
Ruka 10:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.
Ruka 10:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi Tenzi akasarudza vamwe makumi manomwe akavatuma pamberi pake achivaita vaviri vaviri kuguta riri rose nenzvimbo dzose dzaainge iye achazoshanyira. Akavati kukohwa kwakawanda, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mubasa rake rokukohwa.
Ruka 10:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Ishe wakagadza ɀe ʋamŋe ʋanamakumi manomŋe, akaʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri pamberi pake mumaguta ose, ʋuye kwose kwaakaŋga aciɗa kuenda. Akati kwaʋari: Kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma; naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake.
Ruka 10:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)