Revhitiko 8:14-24
Revhitiko 8:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akazouya nehando yechipiriso chechivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wayo. Mozisi akabaya hando akatora rimwe ropa rayo, akariisa panyanga dzose dzearitari kuti achenese aritari. Akadurura rimwe ropa rose mujinga mearitari. Naizvozvo akaitsaura kuti aiyananisire. Mozisi akatora mafuta ose akanga akafukidza nhengo dzomukati, akanga akafukidza chiropa, neitsvo mbiri namafuta adzo, akazvipisa paaritari. Asi hando nedehwe rayo nenyama nezvomukati akazvipisa kunze kwomusasa sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Akauya zvino negondobwe sechipiriso chinopiswa, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro. Ipapo Mozisi akauraya gondobwe akasasa ropa raro paaritari kumativi ose. Akacheka gondobwe kuita zvidimbu uye akapisa musoro, zvidimbu namafuta. Akasuka ura namakumbo nemvura uye akapisa gondobwe rose paaritari sechipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Akauya zvino nerimwe gondobwe, gondobwe rokugadza, uye Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro. Mozisi akauraya gondobwe akatora rimwe ropa raro akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yokurudyi napamunwe wake woruoko rwokurudyi napagunwe guru retsoka yake yokurudyi. Mozisi akauyawo navanakomana vaAroni mberi akaisa ropa pamucheto wezasi wenzeve dzavo dzokurudyi, paminwe mikuru yamaoko avo okurudyi napazvigunwe zvikuru zvamakumbo avo okurudyi. Akasasa ropa paaritari kumativi ose.
Revhitiko 8:14-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi; akaibaya; Mosesi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzeatari kunhivi dzose nomunwe wake, akanatsa atari, ndokudururira ropa mujinga meatari, akaitsaura, kuti aiyananisire. Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mosesi akazvipisa paatari. Asi nzombe nedehwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akauya negondohwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe. Akariuraya; Mosesi akasasa ropa pamusoro peatari kunhivi dzose. Akagura-gura gondohwe, Mosesi akapisa musoro nenhindi namafuta. Akasuka ura namakumbo nemvura, Mosesi akapisa gondohwe rose paatari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Zvino akauyawo nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe. Akaribaya, Mosesi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi. Akauyisa vanakomana vaAroni, Mosesi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagunwe amaoko avo orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi; Mosesi akasasa ropa pamusoro peatari kunhivi dzose.
Revhitiko 8:14-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akazounza handira yomupiro wokupfupira zvitadzo. Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wehandira iyoyo yomupiro wokupfupira zvitadzo. Mosesi akaiuraya, akatora ropa rayo, akanyika munwe wake muropa iroro akariisa pane zvinenge nyanga achizvitenderedza, akanatsa atari, akadururira ropa nechepasi peatari achiikumikidza kuna Mwari achiichenura. Mosesi akatora mafuta ose ayo pane zvomukati nechinyama chepachiropa netsvo mbiri namafuta ari padziri, akazvipisa paatari. Asi handira iyoyo nedehwe rayo, nenyama yayo, nechinzvinzvi chayo, Mosesi akandozvipisa nomoto kunze kwematendhe sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Akazounza hondohwe yemupiro wokupisa. Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wehondohwe iyoyo. Mosesi akaiuraya, akasasa ropa rayo pamativi ose eatari. Mosesi akadimura-dimura hondohwe iyoyo, akapisa musoro wayo nezvidimbu izvozvo, namafuta. Mosesi akasuka nemvura zvomukati nemazondo ayo, akapisa hondohwe iyoyo yose zvayo paatari somupiro wokupisa, unonhuhwirira zvinofadza, mupiro unoita zvokupiswa kuna Tenzi, sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi akaunzawo hondohwe imwe yokugadza vapristi nayo. Aroni navanakomana vake vakaisawo maoko avo pamusoro wehondohwe iyoyo. Mosesi akaiuraya akatora ropa rayo akarizora kwokupedzisira kwenzeve yokurudyi yaAroni, napachara choruoko rwake rworudyi, napachigunwe chegumbo rake rorudyi. Vanakomana vaAroni vakaunzwawo, Mosesi akavazora ropa kwokupedzisira kwenzeve dzavo dzokurudyi, napazvara zvamaoko avo okurudyi, nepazvigunwe zvemakumbo avo okurudyi. Mosesi akasasa ropa pamativi ose eatari.
Revhitiko 8:14-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaʋuya nenzombe yecipiriso ceɀiʋi, Aroni naʋanakomana ʋake ʋakaisa maʋoko aʋo pamusoro wenzombe yecipiriso ceɀiʋi; akaiɓaya; Mosesi ndokutora ropa, ndokuriisa panyaŋga dzeartari kunhiʋi dzose nomunwe wake, akanatsa artari, ndokuɗururira ropa mujiŋga meartari, akaitsaura, kuti aiyananisire. Akatora mafuta ose akaŋga ari pamsoro poʋura, namafuta akaŋga ari pamsoro peciropa, netȿo mbiri, namafuta adzo, Mosesi akaɀipisa paartari. Asi nzombe neɗebge rayo, nenyama yayo, namaɀiɀi ayo, wakaɀipisa nomŋoto kunze kwemisasa, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akaʋuya negondobge recipiriso cinopiswa; Aroni naʋanakomana ʋake ʋakaisa maʋoko aʋo pamusoro wegondobge. Akariʋuraya; Mosesi akasasa ropa pamsoro peartari kunhiʋi dzose. Akagura‐gura gondobge, Mosesi akapisa musoro nenhindi namafuta. Akasuka ʋura namakumbo nemvura, Mosesi akapisa gondobge rose paartari, cikaʋa cipiriso cinopiswa cainhuwira ɀakanaka; cikaʋa cipiriso cakaitirwa Jehova nomŋoto; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Ɀino akaʋuya ʋo nerimŋe gondobge, gondobge rokugadza naro, Aroni naʋanakomana ʋake ʋakaisa maʋoko aʋo pamusoro wegondobge. Akariɓaya, Mosesi akatora rimŋe ropa raro, akariisa pamuceto wezasi wenzeʋe yaAroni yorudyi, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi. Akaʋuyisa ʋanakomana ʋaAroni, Mosesi akaisa rimŋe ropa pamiceto yezasi yenzeʋe dzaʋo dzorudyi, napamagunwe amaʋoko aʋo orudyi, napamagunwe etsoka dzaʋo dzorudyi; Mosesi akasasa ropa pamsoro peartari kunhiʋi dzose.
Revhitiko 8:14-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)