Revhitiko 20:22-27
Revhitiko 20:22-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze. Hamufaniri kutevera tsika dzendudzi dzandichadzinga pamberi penyu. Nokuti dzakaita zvinhu zvose izvi, ndikadzisema. Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi. “ ‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri. Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kundudzi kuti muve vangu ndoga. “ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ”
Revhitiko 20:22-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai. Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nokuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema. Asi ndakakuudzai imi, ndikati, ‘Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi. Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.’ Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu. “Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.”
Revhitiko 20:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Munofanira kuteerera mirao yangu yose, nezvirevo zvangu zvose muzvichengete kuitira kuti nyika yekwandirikukuendesai kundogara irege kukurutsai. Musatevedzere tsika dzerudzi rwavanhu vandiri kufanokudzingirai imomo nokuti vaiita zvinhu zvose izvozvi, saka ndakavasema. Asi ini ndakakuudzai kuti, ‘Muchatora nyika yavo muchiita yenyu, nyika yakanaka inoerera uchi nomukaka. Ini Tenzi, Mwari wenyu ndini ndakakutsaurai mukati medzimwe ndudzi.’ Naizvozvo imi zivai kusiyanisa mhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora, neshiri dzakan'ora nedzisina kun'ora. Musazvin'orese nemhuka kana neshiri kana nezvinhu zvipi nezvipi zvazvo zvizere panyika, dzandakakutsaurirai mudzizive kuti dzakan'ora. Ivai vatsvene kwandiri nokuti ini Tenzi ndiri mutsvene uyewo ndakakutsaurai mukati mendudzi dzevanhu kuti muve vangu. “Munhurume kana munhukadzi ari svikiro kana muroyi ngaauraiwe, ngavatakwe nemabwe. Rufu rwavo nderwokuzviparira.”
Revhitiko 20:22-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ceŋgetai mitemo yaŋgu yose, neɀose ɀandakatoŋga, kuti muɀiite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugare’mo, irege kukurutsai. Musafamba netsika dzorudzi rwaʋanhu ʋandicadziŋga pamberi penyu; nokuti iʋo ʋakaita iɀoɀo ɀose, naiɀoɀo ndakaʋasema. Asi ndakakuʋudzai imi, ndikati: Mucagara nhaka yenyika yaʋo, ndicakupai iyo iʋe yenyu; inyika inoyerera mukaka noʋuci; ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimŋe ndudzi. Naiɀoɀo tsaurai ɀipfuwo ɀakanaka paneɀakaipa, neshiri dzakaipa panedzakanaka; kuti murege kuʋa ʋanhu ʋanonyaŋgadza neɀipfuwo, kana neshiri, kana necinhu cipi necipi cinokambaira panyika candakatsaura kwamuri ndiciti, haɀina‐kunaka. Munofanira kuʋa ʋatȿene kwandiri; nokuti ini Jehova ndiri mutȿene, ndakakutsaurai pakati pedzimŋe ndudzi, kuti muʋe ʋaŋgu. Murume kana mukadzi unoȿikirwa, kana uri muʋuki, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanofanira kutakwa namabge; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.
Revhitiko 20:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)