Joshua 7:20-21
Joshua 7:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akani akapindura achiti, “Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha, Mwari waIsraeri. Izvi ndizvo zvandakaita: Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviri esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.”
Joshua 7:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, “Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti; ndakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora; tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.”
Joshua 7:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akani akapindura Joshuwa achiti, “Chokwadi ndakatadzira Tenzi Mwari wavaIsiraeri. Zvandakaita ndezvizvi. Pandakaona hanzu yegemenzi yamandiriri kunaka yokuShinari pazvinhu zvakanga zvapambwa, nemari yamashekeri yesirivha inorema makirogiramu maviri, nechidimbu chendarama chino uremu hunopfuura chikamu chapakati napakati chekirogiramu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvino zvinhu izvozvo ndakazviviga muvhu, mutendhe yangu, pakati, sirivha ndiyo iri nechapasi pazvo.”
Joshua 7:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Akani akapindura Joshua, akati: Ɀirokwaɀo, ndakatadzira Jehova Mŋari waIsraeri, ndakaita ɀokuti neɀokuti; ndakaʋona pakati peɀakapambga ŋguʋo yakanaka, inobva Babironi, nesirveri yakaȿika mashekeri anamazana maʋiri, norurimi rwendarama rwakaȿika mashekeri anamakumi mashanu pakuyerwa kwarwo; ipapo ndakaɀicocora, ndikaɀitora; tarirai, ɀakaʋigwa pasi mutente raŋgu, sirveri iri pasi paɀo.
Joshua 7:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)