Joshua 7:10-21
Joshua 7:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka! Wawireiko pasi nechiso chako? VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsraeri vasingagoni kumisidzana navavengi vavo; vanofuratira vachitiza nokuti vava vanhu vakatukwa. “Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa. “ ‘Zvino mangwana mangwanani, munofanira kuzviratidza rudzi norudzi. Rudzi ruchabatwa naJehovha runofanira kuuya mberi imba neimba; imba ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi, mhuri nemhuri; mhuri ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi munhu nomunhu. Uyo achawanikwa ane zvinhu zvakatukwa achaparadzwa nomoto, nazvose zvaanazvo. Akanganisa sungano yaJehovha uye aita chinhu chinonyadzisa muIsraeri!’ ” Mangwana mangwanani Joshua akati vaIsraeri vauye rudzi norudzi; rudzi rwaJudha rukabatwa. Dzimba dzokwaJudha dzakauya mberi imba yavaZera ikabatwa. Akauyisa imba yavaZera nemhuri dzayo, Zimiri akabatwa. Joshua akauyisa mhuri yake munhu nomunhu, uye Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akabatwa. Ipapo akati kuna Akani, “Mwanakomana wangu, ipa mbiri kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, ureurure kwaari. Ndiudze kuti chii chawaita; usandivanzira.” Akani akapindura achiti, “Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha, Mwari waIsraeri. Izvi ndizvo zvandakaita: Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviri esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.”
Joshua 7:10-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka, wawireiko kudai pachiso chako? VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, babavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo. Naizvozvo vana vaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nokuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu. Simuka, utsaure vanhu, uti, ‘Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.’ Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe. Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nokuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri.” Naizvozvo Joshua wakamuka mangwanani, akaswededza vaIsiraeri namarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa; zvino akaswededza dzimba dzaJudha, imba yaZera ikabatwa; zvino akaswededza murume mumwe nomumwe weimba yavaZera, Zabhedhi akabatwa; zvino akaswededza mhuri yake, murume mumwe nomumwe, Akani mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha akabatwa. Zvino Joshua akati kuna Akani, “Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.” Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, “Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti; ndakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora; tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.”
Joshua 7:10-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Joshuwa, “Simuka apo! Ko ndochii ichocho kuzvambarara kudaro. VaIsiraeri vaita chitadzo, vatyora chitenderano changu navo, nokutora kwavaita zvimwe zvinhu zvakashorwa kuti zviparadzwe. Vaba, vakareva nhema, vakabatanidza zvavo zvinhu izvozvo nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsiraeri vasisakwanisi kumirisana navavengi vavo vachitovapa gotsi kuvatiza. Izvozvi ivo ndivo vatova chinhu chakaturirwa kuneni kuti chiparadzwe. Kubvira iye zvino zvokuva nemi ndarega kusatoti matoparadza pakati penyu chinhu ichocho chakaturirweni kuti chiparadzwe. Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe. Naizvozvo mangwanani munofanira kuuya kuno muri dzinza nedzinza. Dzinza rinenge rabatwapo naTenzi richapinda mudariro mhuri nemhuri. Kwozotiwo mhuri yomo inenge yabatwapo naTenzi, inofanira kupindawo mudariro imba nemba. Vembawo inenge yabatwa naTenzi vachapinda mudariro vachiteverana munhu nomunhu. Munhu anobatwa aine zvinhu izvozvo zvakaturirwa kuti zviparadzwe Mwari, anosungirwa kupiswa nomoto pamwechete nezvinhu zvake zvose nokuti atyora chitsidzirano chawakanzi naTenzi chichengetwe, uyewo nokuti akaita zvinonyadza muIsiraeri.’ ” Joshuwa akamuka rungwanangwana akati vaIsiraeri vauye mberi dzinza nedzinza, ndokubva kwabatwa dzinza rokwaJudha. Akapinza dzinza rokwaJudha mudariro, kukabatwa vemhuri yokwaZera. Akapinza vemhuri yokwaZera mudariro, vachiteverana munhu nomunhu kukabatwa vemba yokwaZabhudhi. Akapinza mudariro vemba yake iyeyu vachiteverana munhu nomunhu kukabatwa Akani mwanakomana waKarumi, mwanakomana waZera wedzinza rokwaJudha. Joshuwa akati kuna Akani, “Mwanangu pano apaka, chiremekedza Tenzi, Mwari wavaIsiraeri umurumbidze, ureurure kwandiri zvawakaita usandivanzire.” Akani akapindura Joshuwa achiti, “Chokwadi ndakatadzira Tenzi Mwari wavaIsiraeri. Zvandakaita ndezvizvi. Pandakaona hanzu yegemenzi yamandiriri kunaka yokuShinari pazvinhu zvakanga zvapambwa, nemari yamashekeri yesirivha inorema makirogiramu maviri, nechidimbu chendarama chino uremu hunopfuura chikamu chapakati napakati chekirogiramu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvino zvinhu izvozvo ndakazviviga muvhu, mutendhe yangu, pakati, sirivha ndiyo iri nechapasi pazvo.”
Joshua 7:10-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jehova akati kunaJoshua: Simuka, wawireiko kuɗai paciso cako? ƲaIsraeri ʋatadza, ʋaɗarika suŋgano yaŋgu yandakaʋaraira; ʋatora cinhu cakayeriswa, ʋaɓa ʋo, nokunyeŋgera, nokuciʋiga pakati penhumbi dzaʋo. Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋaŋgagoni kukunda ʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋanofuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo, nokuti ʋaʋa ʋanhu ʋakatukwa; handicazoʋi nemi, kana musiŋgaparadzi cinhu cakayeriswa pakati penyu. Simuka, utsaure ʋanhu, uti: Ɀitsaurirei maŋgwana, nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kunecinhu cakayeriswa pakati penyu, Israeri; hamuŋgakundi ʋaʋeŋgi ʋenyu, kuȿikira mabvisa cinhu cakayeriswa pakati penyu. Naiɀoɀo maŋgwana munofanira kusweɗera namarudzi enyu; ɀino rudzi runoɓatwa naJehova, runofanira kusweɗera nedzimba dzarwo, neimba inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera nemhuri dzayo, nemhuri inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera murume mumŋe nomumŋe. Ɀino uyo unoɓatwa anecinhu cakayeriswa, unofanira kupiswa nomŋoto, iye neɀose ɀaanaɀo; nokuti wakaɗarika suŋgano yaJehova, ʋuye nokuti wakaita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paIsraeri. Naiɀoɀo Joshua wakamuka maŋgwanani, akaswededza ʋaIsraeri namarudzi aʋo; rudzi rwaJuda ndokuɓatwa; ɀino akasweɗedza dzimba dzaJuda, imba yaZera ikaɓatwa; ɀino akasweɗedza murume mumŋe nomumŋe weimba yaʋaZera, Zabdi akaɓatwa; ɀino akasweɗedza mhuri yake, murume mumŋe nomumŋe, Akani mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda akaɓatwa. Ɀino Joshua akati kunaAkani: Mŋana waŋgu, cikudza Jehova Mŋari waIsraeri, uɀireʋurure kwaari; ndiʋudze ɀino ɀawakaita, usandiʋanzira iɀo. Ipapo Akani akapindura Joshua, akati: Ɀirokwaɀo, ndakatadzira Jehova Mŋari waIsraeri, ndakaita ɀokuti neɀokuti; ndakaʋona pakati peɀakapambga ŋguʋo yakanaka, inobva Babironi, nesirveri yakaȿika mashekeri anamazana maʋiri, norurimi rwendarama rwakaȿika mashekeri anamakumi mashanu pakuyerwa kwarwo; ipapo ndakaɀicocora, ndikaɀitora; tarirai, ɀakaʋigwa pasi mutente raŋgu, sirveri iri pasi paɀo.
Joshua 7:10-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)