Joshua 7:1
Joshua 7:1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi vaIsraeri vakaita zvisina kutendeka pamusoro pezvinhu zvakatukwa; Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa. Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakamukira vaIsraeri.
Joshua 7:1 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri.
Joshua 7:1 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vaIsiraeri havana kuva vanhu vakatendeka panyaya yezvinhu zvakaturirwa kuparadzirwa Mwari. Chakaitika ndechokuti, Akani mwanakomana waKarumi, muzukuru waZabhudhi, mwanakomana waZeraha, wedzinza rokwaJudha akatora zvimwe zvinhu pazvinhu zviya zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari, hasha dzaTenzi dzikavirukira vaIsiraeri.
Joshua 7:1 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakaɗarika pacinhu cakayeriswa; nokuti Akani, mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda, wakatora cinhu ceɀakayeriswa; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋana ʋaIsraeri.
Joshua 7:1 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)