Joshua 2:1-16
Joshua 2:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma vasori vaviri muchivande kubva kuShitimu. Akati, “Endai munotarisa nyika, kunyanya Jeriko.” Naizvozvo vakaenda vakandopinda mumba mechifeve chainzi Rahabhi vakagaramo. Zvino mambo weJeriko akaudzwa kuti, “Tarirai! Kune vamwe vaIsraeri vauya muno manheru anhasi kuzosora nyika.” Naizvozvo mambo weJeriko akatumira shoko kuna Rahabhi achiti, “Budisa varume vauya kwauri vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzosora nyika yose.” Asi mukadzi uyu akanga atora varume vaviri vaya akavavanza. Iye ndokuti, “Ichokwadi, varume ava vakauya kwandiri, asi handina kuziva kuti vakanga vabvepi. Zvino kwati zvarara yava nguva yokupfiga suo reguta, varume ava vakaenda. Handizivi kuti vakaenda vakanangepi. Vateverei nokukurumidza, pamwe mungangovabata.” (Asi iye akanga avatora ndokuvaisa pamusoro pemba ndokuvavanza mumashanga aakanga aunganidza pamusoro pemba.) Naizvozvo varume vakasimuka votevera vasori nenzira yainanga kumazambuko eJorodhani, uye vaitevera vachangobuda, suo rakabva rapfigwa. Vasori vasati varara, iye akakwira padenga remba, ndokuti kwavari, “Ndinozviziva kuti Jehovha akupai nyika ino, uye kuti kutyiwa kwenyu kukuru kuri pamusoro pedu, zvokuti vose vanogara munyika muno vari kubvunda nokutya nokuda kwenyu. Takanzwa maomeserwo akaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naJehovha nokuda kwenyu pamakabuda muIjipiti, uye zvamakaita kuna Sihoni naOgi, madzimambo maviri avaAmori kumabvazuva kweJorodhani, avo vamakaparadza zvachose. Patakazvinzwa mwoyo yedu yakarukutika, uye hapana akasara nokutsunga maari nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga napasi panyika. Zvino ndapota, pikai kwandiri naJehovha kuti muchaitira mhuri yangu tsitsi, nokuti ini ndakuitiraiwo tsitsi. Ndipei chiratidzo chechokwadi chakasimba chokuti muchararamisa baba vangu namai vangu, hanzvadzi dzangu namadzikoma angu, nemhuri dzavo dzose, uye kuti muchatiponesa kubva parufu.” Ipapo varume vaya vakamuvimbisa vachiti, “Isu ngatife pachinzvimbo chenyu. Kana ukasareva zvatiri kuita tichakubata zvakanaka nokutendeka kana Jehovha atipa nyika ino.” Saka akavadzikisa pasi netambo napawindo, nokuti imba yaaigara yaiva mumasvingo eguta. Zvino akati kwavari, “Endai kumakomo kuitira kuti vateveri varege kukuwanai. Muvande ikoko kwamazuva matatu kusvikira vadzoka, mozoenda henyu nenzira yenyu.”
Joshua 2:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, “Endai mundotarira nyika neJeriko.” Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo. Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika.” Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, “Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.” Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, “Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi. Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata.” Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi poutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga. Varume vakavateverera nenzira inoenda Jorodhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suo rikazarirwa. Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga, akati kuvarume, “Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu. Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose. Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo mwoyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamwoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi. Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba, kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanunguna vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu hwedu parufu.” Ipapo varume vakati kwaari, “Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi.” Ipapo akavaburusira pasi nebote napawindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo. Akati kwavari, “Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.”
Joshua 2:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa, mwanakomana waNuni, akatuma varume vaviri vachibva kuShitimu kundosora muchiverevere achiti, “Endai mundoongorora nyika iyo, zvikurukuru muongorore Jeriko.” Vakaenda, vakasvikira mumba mepfambi yainzi Rahabhu, vakararamo. Mambo weJeriko akataurirwa kuti, “Kune vamwe varume vechiIsiraeri vauya muno kuzosora nyika ino.” Ipapo mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rahabhu rokuti, “Buritsa varume vauya kwauri vapinda mumba mako nokuti vauya kuzosora nyika yose.” Asi mukadzi uyu akatora varume ava akavahwandisa akati, “Ichokwadi, varume ivavo vauya kwandiri, asi handina kuziva kwavanobva nako. Kuzoti kwasviba, tave kupfiga suo guru reguta, varume ivavo vabva vaenda. Zvino handisi kuziva kwavaenda nako. Vateverei nokukurumidza, munotovabata.” Asi iye akanga avakwidza padenga remba akavahwandisa mumashanga efurakisi aakanga arongerera pamusoro pemba. Saka varume vaya vakabvapo vachironda vasori vaya, vakaenda nenzira yokunaJorodhani vakasvika kumazambuko. Pavakangoti budeimo, suo guru reguta rakabva rapfigwa. Vasati vavata, mukadzi uyu akakwira padenga pavaiva vari, akati kuvarume ivavo, “Chandinoziva ndechokuti, Tenzi akakupai nyika ino uye tiri kukutyai chaizvo, vanhu vose vomunyika ino vari kukutyai. Chandinodariro ndechichi chokuti, takanzwa zvokuomesa kwakaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naTenzi mberi kwenyu pamaibva kuIjipiti, tikanzwawo zvokuparadza kwamakaita Sihoni naOgu, madzimambo maviri avaAmori, kumhiri kwaJorodhani. Patakazvinzwa takadedera, tikarasa mwoyo pamusana penyu nokuti Tenzi, Mwari wenyu ndiye Mwari kudenga kumusoro, napanyika pasi pano. Saka chinditsidziraiwo mupike naTenzi kuti zvandakuitirai mwoyochena, imi muchaitirawo vemba yababa wangu mwoyochena, mundipe chiratidzo chinovimbika chemhiko iyoyo. Tsidzai kuti muchararamisa baba naamai vangu, nehanzvadzi, uye vakoma navanun'una vangu, navose vemhuri dzavo, mutinunure kurufu.” Varume ava vakapika vachimutsindidzawo kuti, “Tinosarudza zvedu kufa pane kuti imi mufe! Kana mukarega kuudza vanhu nezvenyaya yedu, tichakuitirawo mwoyochena tichichengeta shoko redu kwamuri patichapiwa nyika ino naTenzi.” Mukadzi uyu akavaburitsa napawindo, akavadzikisa pasi netambo nokuti imba yake yakanga yakavakirwa murusvingo rweguta iri, saka aitogara murusvingo chaimo. Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.”
Joshua 2:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakatuma ʋarume ʋaʋiri pakaʋanda, ʋacibva Shitimi, kuti ʋandoshora, aciti: Endai mundotarira nyika neJeriko. Ʋakaenda, ʋakapinda muimba yecifeʋe, cainzi Rakabi, ʋakaʋata’po. Ɀino mambo weJeriko akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, ʋarume ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakapinda muno ʋusiku bguno kuzoshora nyika. Ɀino mambo weJeriko akatuma shoko kunaRakabi, akati: Ƃuɗisa ʋarume ʋakaȿika kwauri, ʋapinda mumba mako, nokuti ʋaʋuya kuzoshora nyika yose. Mukadzi akatora ʋarume aʋo ʋaʋiri, akaʋaʋanza, akati: Hoŋo, ʋarume ʋakaȿika haʋo kwandiri, asi ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ʋaibve’pi. Ɀino neŋguʋa yokupfigwa kwesuʋo, kwaȿiɓa, ʋarume ʋakaɓuɗa ɀe; kwaʋakazoenda iʋo ʋarume, ini handikuziʋi; kurumidzai kuʋateʋera, nokuti muŋgandoʋaɓata. Asi wakaŋga aʋakwidza pamsoro peɗeŋga, akaʋaʋanza pasi poʋutanda bgamasosoʋori, bgakaŋga bgakaroŋgwa naye paɗeŋga. Ʋarume ʋakaʋateʋerera nenzira inoenda Joridani, kuȿikira kumazambuko; ɀino ʋakaʋateʋerera ʋakati ʋaɓuɗa, suʋo rikazarirwa. Ɀino ʋacigere kuʋata, Rakabi ndokukwira kwaʋari pamsoro peɗeŋga, akati kuʋarume: Ndinoziʋa kuti Jehova wakakupai nyika, tinokutyai kwaɀo, ʋanhu ʋose ʋagere munyika ʋavunduka pamberi penyu. Nokuti takanzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yeGuŋgwa Dɀuku pamberi penyu, ŋguʋa yokuɓuɗa kwenyu Egipita, neɀamakaitira madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, iʋo Sihoni naOgi, ʋamakaparadza cose. Ɀino pakarepo takati ticinzwa iɀoɀo mŋoyo yeɗu ikavunduka, hakunomunhu ucinokutsuŋga pamŋoyo pake nokuɗa kwenyu, nokuti Jehova Mŋari wenyu, ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi. Naiɀoɀo ɀino ndipikirei henyu naJehova, kuti ɀandakakuitirai ɀakanaka, nemi ʋo mucaitira imba yaɓaɓa ʋaŋgu ɀakanaka; mundipei ʋo ciratidzo cakasimba, kuti mucararamisa ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu nehanɀadzi dzaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu, neɀose ɀaʋanaɀo, nokurwira ʋupenyu bgeɗu parufu. Ipapo ʋarume ʋakati kwaari: Isu ŋgatife panɀimbo yenyu, kana musiŋgaɓuɗisi pacena ɓasa reɗu iri; kana Jehova acitipa nyika iyi, ticakuitira ɀakanaka neɀokwaɗi. Ipapo akaʋaɓurusira pasi neɓote napawindi, nokuti imba yake yakaŋga iri pamsoro poruȿiŋgo rweguta, naiye wakaŋga agere pamsoro poruȿiŋgo. Akati kwaʋari: Tizirai henyu kumakomo, kuti ʋateʋeri ʋarege kusoŋgana nemi, muʋande’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; pashure muŋgaenda henyu.
Joshua 2:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)