Joshua 10:9-14
Joshua 10:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Joshua akavarwisa vasingafungiri, shure kwokunge afamba achibva kuGirigari usiku hwose. Zvino Jehovha akaita kuti vavhunduke pamberi pavaIsraeri, avo vakavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, vakavadzingirira nenzira inoenda kuBheti Horoni, vakavaparadza kusvikira kuAzeka nokuMakedha. Pavaitiza pamberi pavaIsraeri nenzira yaidzika kubva kuBheti Horoni ichienda kuAzeka, Jehovha akakanda pamusoro pavo matombo makuru akanga achibva kudenga, vazhinji vavo vakafa nechimvuramabwe kupfuura avo vakaurayiwa neminondo yavaIsraeri. Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha pamberi pavaIsraeri: “Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni, Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.” Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari. Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira kwenguva ingaita zuva rose. Hakuna kumboita zuva rakaita seiri nguva yakapfuura kana yakatevera, pazuva iri Jehovha akateerera munhu. Zvirokwazvo Jehovha akanga achirwira Israeri!
Joshua 10:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari. Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti‐horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha. Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti‐horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri. Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana vaIsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.” Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera izwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.
Joshua 10:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akaerekana ati pfacha kusvika pavari, avavinga kubva kuGirigari nousiku. Tenzi akavapinza mweya wokutya vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavaita murakatira kuuraya paGibheoni ipapo vakavadzingirira kusvikira kumukwidza weBhetihoroni vachingovakatakazha kudzamara vasvika kuAzeka nokuMakedha. Pavaingunotiza vaIsiraeri kudai, voteremuka zvino nomutenure weBhetihoroni, Tenzi akanayisa mhitsa dzechivhuramahwe pavari kusvikira kuAzeka, vakafa. Vanhu vakaurayiwa nechivhuramahwe ichi vakanga vakawanda kupfuura vanhu vakaurayiwa navaIsiraeri namapakatwa. Pazuva iroro rakaiswa vaAmori mumaoko avaIsiraeri naTenzi, Joshuwa akataurira Tenzi vaIsiraeri vachinzwa achiti, “Iwe zuva pano paGibheoni iti mbikiti kumira, newe mwedzi iti ndi kumira padunhu rino reAjaroti. Zuva rakati mbikiti kumirapo. Mwedzi ukatiwo ndi kumira kusvikira vaIsiraeri vapedza vavengi vavo kutsividza.” Handiti izvozvi zvakanyorwa muBhuku raJashari here? Zuva rakaramba rakati mbikiti panguva yarinorova nhongonya, rikarega kukurumidza kudoka, kwezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadai kubvira pasi chigare kana shure kwaizvozvo rokuti Tenzi akateerera munhu, nokuti Tenzi akarwira vaIsiraeri.
Joshua 10:9-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Joshua akaʋarwira pakarepo; akafamba ʋusiku bgose acibva Girgari. Ɀino Jehova akaʋavundusa pamberi paIsraeri, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru paGibeoni, akaʋadziŋgirira nenzira yaikwira Beti‐horoni, akaʋaparadza kuȿikira Azeka, nokuȿikira Makeda. Ɀino ʋakati ʋacitiza pamberi paʋaIsraeri, ʋari pamatenusirwa anoɓurukira Beti‐horoni, Jehova akakanda pamsoro paʋo mabge makuru akaŋga acibva kuɗeŋga, kuȿikira Azeka, ʋakafa; iʋo, ʋakafa necimvuramabge, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa neminondo naʋana ʋaIsraeri. Ɀino Joshua akataura naJehova nomusi Jehova waakaisa ʋaAmori mumaʋoko aʋana ʋaIsraeri, akati pamberi paʋaIsraeri: Iwe zuʋa mira pamsoro peGibeoni, Newe mŋedzi pamupata weAjaroni. Zuʋa rikamira, nomŋedzi ukarambira’po, Kuȿikira rudzi rwatsiʋa ʋaʋeŋgi ʋarwo. Iɀi haɀina‐kunyorwa here mubuku yaJashari? Zuʋa rikaramba rimire pakati peɗeŋga, rikasakurumidza kuʋira ŋguʋa yakaita sezuʋa rose. Hakuna‐kumboʋa nezuʋa rakaɗaro kubva pakutaŋga kana shure kwaro, kuti Jehova wakaterera inzwi romunhu; nokuti Jehova wakarwira Israeri.
Joshua 10:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)