Jona 1:4-6
Jona 1:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa, uye dutu raipenga kwazvo rikamuka zvokuti chikepe chakada kutsemuka-tsemuka. Vafambisi vose vechikepe vakatya uye mumwe nomumwe akachema kuna mwari wake. Vakakanda nhumbi mugungwa kuti chikepe chireruke. Asi Jona akanga aenda pasi mukati mechikepe maakasvikovata uye akakotsira hope huru. Mukuru wavachairi akaenda kwaari akati, “Ungarare sei iwe? Muka udane kuna mwari wako! Zvimwe angatirangarira tikasaparara.”
Jona 1:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika. Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo. Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, “Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara.”
Jona 1:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi TENZI akatututsa mhepo huru mugungwa pakaita dutu remhepo guru zvokuti ngarava yakanga yoda kupazika. Ipapo vafambisi vengarava vakabatwa nokutya, mumwe nomumwe ndokubva anamata kuna mwari wake. Vakakanda mugungwa zvinhu zvavaiva nazvo mungarava macho kuitira kuti ivarerukire. Izvozvo Jona akanga adzika pasi mukatikati chaimo mengarava atorara zvake achitopfodora hope. Zvino mukuru mukuru wengarava iyoyo akasvika akamuti, “Zvinoreveiko, nhaiwe, mupfodori wehope? Muka unamatewo kuna mwari wako! Zvimwe mwari angatifungewo kuti tirege kuparara.”
Jona 1:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Jehova wakatuma mhepo inopeŋga paguŋgwa, ɗutu guru rikamuka paguŋgwa, cikepe cikashumba kuputsika. Ipapo ʋafambisi ʋecikepe ʋakatya, mumŋe nomumŋe akaɗana kunamŋari wake, ʋakarashira muguŋgwa nhumbi dzakaŋga dziri mucikepe, kuti ʋacireruse. Asi Jona wakaŋga aɓurukira mukati‐kati mecikepe, akaʋata pasi, ndokuɓatwa nehope caidzo. Ipapo mŋene wecikepe wakaʋuya kwaari, akati kwaari: Nhai, iwe muʋati, wakaita seiko? Simuka, ɗana kunaMŋari wako, ɀimŋe Mŋari uŋgatiraŋgarira, tikasaparara.
Jona 1:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)