Jona 1:4-17
Jona 1:4-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa, uye dutu raipenga kwazvo rikamuka zvokuti chikepe chakada kutsemuka-tsemuka. Vafambisi vose vechikepe vakatya uye mumwe nomumwe akachema kuna mwari wake. Vakakanda nhumbi mugungwa kuti chikepe chireruke. Asi Jona akanga aenda pasi mukati mechikepe maakasvikovata uye akakotsira hope huru. Mukuru wavachairi akaenda kwaari akati, “Ungarare sei iwe? Muka udane kuna mwari wako! Zvimwe angatirangarira tikasaparara.” Ipapo vafambisi vechikepe vakati kuno mumwe nomumwe, “Uyai, tikande mijenya kuti tione kuti ndiani aita kuti tiwirwe nenjodzi iyi.” Vakakanda mijenya, mijenya ikawira pana Jona. Saka vakamubvunza vakati, “Tiudze, ndiani aita kuti matambudziko ose aya atiwire? Unoita basa reiko? Unobvepiko? Nyika yako inonzi ani? Uri worudzi rupi?” Akapindura akati, “Ndiri muHebheru, uye ndinonamata Jehovha, Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika.” Izvi zvakavatyisa uye vakabvunza vakati, “Watadzeiko?” (Vaiziva kuti aitiza kubva pamberi paJehovha, nokuti akanga atovaudza kudaro.) Gungwa rakanga rotonyanya kupenga. Saka vakamubvunza vakati, “Ko, tinofanira kuitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Akapindura achiti, “Ndisimudzei mundikande mugungwa, ipapo richanyarara. Ndinoziva kuti mhosva yangu ndiyo yaita kuti dutu guru iri rikuwirei.” Pachinzvimbo chaizvozvo varume vakaedza napavaigona napo kuti vadzokere kunyika. Asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakatonyanyisa kupenga kupfuura zvapakutanga. Ipapo vakachema kuna Jehovha vakati, “Haiwa Jehovha, tapota musatiuraya nemhaka youpenyu hwomunhu uyu. Musatipa mhosva yokuuraya munhu asina mhaka, nokuti, iyemi Jehovha maita sokuda kwenyu.” Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, uye gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. Nokuda kwaizvozvi vakatya Jehovha kwazvo, uye vakabayira Jehovha chibayiro vakaita mhiko kwaari. Asi Jehovha akatuma hove huru kuti izomedza Jona, uye Jona akava mudumbu mehove kwamazuva matatu nousiku hutatu.
Jona 1:4-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika. Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo. Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, “Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara.” Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, “Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani.” Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona. Zvino vakati kwaari, “Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?” Iye akati kwavari, “Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma.” Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, “Chinyiko ichi chawaita?” Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza. Zvino vakati kwaari, “Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire?” Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga. Iye akati kwavari, “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.” Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera. Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, “Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.” Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko. Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.
Jona 1:4-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi TENZI akatututsa mhepo huru mugungwa pakaita dutu remhepo guru zvokuti ngarava yakanga yoda kupazika. Ipapo vafambisi vengarava vakabatwa nokutya, mumwe nomumwe ndokubva anamata kuna mwari wake. Vakakanda mugungwa zvinhu zvavaiva nazvo mungarava macho kuitira kuti ivarerukire. Izvozvo Jona akanga adzika pasi mukatikati chaimo mengarava atorara zvake achitopfodora hope. Zvino mukuru mukuru wengarava iyoyo akasvika akamuti, “Zvinoreveiko, nhaiwe, mupfodori wehope? Muka unamatewo kuna mwari wako! Zvimwe mwari angatifungewo kuti tirege kuparara.” Vakataurirana kuti, “Ngatiitei chin'ange tizive kuti ndiani atiparira nhamo yatiwira iyi.” Saizvozvo vakaita chin'ange, chikabata Jona. Ndokubva vamuti, “Iwe tiudze kuti ndiani akonzera kuti tipinde nhamo iyi. Basa rako nderei? Unobvepi? Uri wenyika ipi? Uri worudzi rwupi?” Iye akavapindura kuti, “Ndiri muHebheru, uye ndinotya TENZI, Mwari Wedenga, akasika gungwa nenyika yakaoma.” Varume ivavo vakatya zvikuru kwazvo vakati kwaari, “Ndochii ichochi chawaita,” nokuti varume ivavo vakanga vazviziva kuti akanga achitiza pana TENZI nokuti ndizvo zvaakanga avataurira. Ivo ndokuti kwaari, “Zvino toitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Nokuti gungwa rakanga zvino rotonyanya kuramba richinyanduka zvikuru nedutu remhepo. Iye akati kwavari, “Nditorei mundikande mugungwa, gungwa rinobvawo rakudzikamirai nokuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru remhepo iri rikumukirei.” Asi varume ivava vakambovavarira zvavo kukwasva zvakasimba, kuti vadzosere ngarava panyika pakaoma, vakakundika nokuti gungwa rakabva ratonyanyisisa kunyanduka nedutu remhepo. Naizvozvo vakachema kuna TENZI vachiti, “Tateterera zvedu TENZI, regai zvenyu kuti tiparare pamusana poupenyu hwomurume uyu musatipe mhaka yokudeura ropa risina mhosva. Inga wani imi, TENZI, maita zvamunoda.” Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, gungwa rikarega kupenga kwaro. Varume ava vakabva vatya TENZI zvikuru kwazvo vakapira chibayiro kuna TENZI vakaita zvitsidzo. TENZI akasarudza zihove guru rokumedza Jona. Jona akagara mudumbu rehove iyoyo siku nesikati kwamazuva matatu.
Jona 1:4-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Jehova wakatuma mhepo inopeŋga paguŋgwa, ɗutu guru rikamuka paguŋgwa, cikepe cikashumba kuputsika. Ipapo ʋafambisi ʋecikepe ʋakatya, mumŋe nomumŋe akaɗana kunamŋari wake, ʋakarashira muguŋgwa nhumbi dzakaŋga dziri mucikepe, kuti ʋacireruse. Asi Jona wakaŋga aɓurukira mukati‐kati mecikepe, akaʋata pasi, ndokuɓatwa nehope caidzo. Ipapo mŋene wecikepe wakaʋuya kwaari, akati kwaari: Nhai, iwe muʋati, wakaita seiko? Simuka, ɗana kunaMŋari wako, ɀimŋe Mŋari uŋgatiraŋgarira, tikasaparara. Ɀino mumŋe nomumŋe wakati kushamŋari yake: Ʋuyai tikande mijenya, tiziʋe kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani. Ipapo ʋakakanda mijenya, mujenya ukaɓata Jona. Ɀino ʋakati kwaari: Citiʋudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani; ɓasa rako ndereiko? wabvepiko? nyika yako ndeipi? uri worudzi rupi? Iye akati kwaʋari: Ndiri muHeberu, ndinotya Mŋari wokuɗeŋga, wakaita guŋgwa nenyika yakawoma. Ipapo ʋarume ʋakatya kwaɀo‐kwaɀo, ʋakati kwaari: Cinyiko ici cawaita? Nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti unotiza pamberi paJehova, nokuti wakaʋaʋudza. Ɀino ʋakati kwaari: Ticakuiteiko, kuti guŋgwa ritinyararire? Nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kupeŋga. Iye akati kwaʋari: Ndisimudzei, mundikandire muguŋgwa, ipapo guŋgwa ricakunyararirai; nokuti ndinoziʋa kuti ɗutu iri guru rakakuwirai nokuɗa kwaŋgu. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋarume ʋakakwaȿa nesimba ʋaciidza kudzokera kunyika; asi ʋakakoniwa, nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kuʋapeŋgera. Naiɀoɀo ʋakaɗana kunaJehova, ʋakati: Tinokunyeŋgeterai, imi Jehova, tinokunyeŋgeterai, kuti tirege kuparara nokuɗa kwoʋupenyu bgomunhu uyu, murege kutisundira mhoȿa yeropa risinemhaka; nokuti imi Jehova makaita seɀamakaɗa henyu. Ipapo ʋakasimudza Jona, ʋakamukandira muguŋgwa, guŋgwa rikanyarara pakupeŋga kwaro. Ipapo ʋarume ʋakatya Jehova kwaɀo‐kwaɀo, ʋakaɓayira Jehova ciɓayiro, nokumupikira mhiko. Jehova akatuma hoʋe huru kundomedza Jona, Jona akaʋa muɗumbu rehoʋe mazuʋa matatu noʋusiku ʋutatu.
Jona 1:4-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)