Joere 2:27-29
Joere 2:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. “Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo. Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
Joere 2:27-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi. “Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.
Joere 2:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndipo pamuchazoziva kuti ndiri mukati meIsiraeri uye kuti ini, TENZI ndini Mwari wenyu, hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa vakanyadziswazve. “Mushure mezvo zvichazoitika kuti ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vakwegura venyu vacharotswa hope, vechidiki venyu vachaona zviratidzo. Kunyange pavaranda zvavo vechirume nevechikadzi, mumazuva iwayo, ndichadururirawo Mweya wangu pavari.
Joere 2:27-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mucaziʋa kuti ndiri pakati paIsraeri, kuti ndini Jehova Mŋari wenyu, ʋuye kuti hakunomumŋe; ʋanhu ʋaŋgu haʋaŋgatoŋgonyadziswi nokusiŋgaperi. Ɀino shure kwaiɀoɀo ndicaɗurura Mŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita, ʋatana ʋenyu ʋacarota hope, namajaya enyu acaʋona ɀiratidzo; ndicaɗurura ʋo Mŋeya waŋgu pamsoro paʋaranda napamsoro paʋashandiri namazuʋa iwayo.
Joere 2:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)