Joere 2:25-27
Joere 2:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata, dzimwe mhashu nefararira remhashu; hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu. Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
Joere 2:25-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu. Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi. Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
Joere 2:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichakudzoserai zvinotsivana namakore okudyirwa nemhashu dzegute nehwiza dzegwatakwata uye neemhashu dzinorozva nedzomuteteni, hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu. Muchadya zvakawanda zvokutoguta muchirumbidza zita raTENZI, Mwari wenyu anenge akuitirai zvishamiso. Nezvo vanhu vangu havazofa vakanyadziswazve. Ndipo pamuchazoziva kuti ndiri mukati meIsiraeri uye kuti ini, TENZI ndini Mwari wenyu, hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa vakanyadziswazve.
Joere 2:25-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicakudzoserai ɀe makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzacose, nomuteteni, iyo hondo yaŋgu huru yandakatuma pakati penyu. Mucadya ɀakawanda, mukaguta, mukarumbidza zita raJehova Mŋari wenyu, wakakuitirai ɀinoshamisa; ʋanhu ʋaŋgu haʋaŋgatoŋgonyadziswi nokusiŋgaperi. Ipapo mucaziʋa kuti ndiri pakati paIsraeri, kuti ndini Jehova Mŋari wenyu, ʋuye kuti hakunomumŋe; ʋanhu ʋaŋgu haʋaŋgatoŋgonyadziswi nokusiŋgaperi.
Joere 2:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)