Jobho 4:4-6
Jobho 4:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta. Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka. Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?
Jobho 4:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda. Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba; Zvakubata, zvino wotambudzika. Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
Jobho 4:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mashoko enyu akatsigira ainge odzadzarika mukasimbisa mabvi akarukutika. Asi nhasi zvakuwanaiwo, zvino motadza kugadzikana. Asi zvino zvakubatai mabva mava kurasa mwoyo. Handiti kutya kwenyu Mwari ndiko kwamunovimba nako, kuva pachokwadi mumaitiro enyu kuri iko chitarisiro chenyu?
Jobho 4:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mashoko ako akatsigira wakaŋga aciʋaʋarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akaŋga acigweɗa‐gweɗa. Asi ɀino ɀaȿika kwauri, iwe woshaiwa simba; Ɀakuɓata, ɀino wotambudzika. Ko kutya kwako Mŋari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
Jobho 4:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)