Jobho 38:1-5
Jobho 38:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati: “Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo? Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?
Jobho 38:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati, “Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here? Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Nokuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire. Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe. Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera norwonzi?
Jobho 38:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Tenzi akazopindura Jobhu mukati medutu remhepo achiti, “Ndianikowo zvake iyeyu anopinza zano murima nokutaura kwake kusina ruzivo, chipfeka zvino uite somurume ndikubvunze, iwe unditaurire. “Wakanga uri kupi iwe pandaidzika ugaro hwenyika? Taura zvako kana uchinzwisisa. Ndiani akaisa miganhu yayo nokuti unozivaka iwe? Kana kuti ndiani akaiera netambo?
Jobho 38:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jehova wakapindura Jobo, ari pacampupuri, akati: Ndianiko uya unodzima zano raŋgu aciriita rima Namashoko asineziʋo here? Ciɀisuŋga ciʋuno cako ɀino somurume; Nokuti ndicakubvunzisisa, iwe undiɗudzire. Iwe wakaŋga uripiko paŋguʋa yandakateya nheyo dzenyika? Ciɗudzira, kana uneziʋo iwe. Ndianiko wakatara kukura kwayo, kana uciɀiziʋa? Kana ndianiko wakaiyera norwonzi?
Jobho 38:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)