Jobho 37:1-16
Jobho 37:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo. Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake. Anoregedzera mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika. Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake. Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu. Anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’ nokumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’ Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda. Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo. Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo. Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando. Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore. Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira. Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake. “Teerera izvi, Jobho; imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari. Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake? Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?
Jobho 37:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirokwazvo mwoyo wangu unobvunduswawo pamusoro paizvozvi, Uchibviswa panzvimbo yawo. Tererai kutinhira kwezwi rake, Nokuwunga kunobva pamuromo wake. Anokutuma pasi pedenga rose, Nemheni yake kusvikira pamagumisiro enyika. Inoteverwa nezwi rinodzvova, Anotinhira nezwi roumambo hwake. Haazvidzivisi kana izwi rake richinzwika. Mwari anotinhira nezwi rake rinoshamisa; Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa. Nokuti anoti kuchando, “Chiwira panyika;” Saizvozvowo kumvura inopfunha-pfunha, Uyewo kumvura inoturuka nesimba. Anodzivisa ruoko rwomunhu mumwe nomumwe, Kuti vanhu vose vaakaita vamuzive. Panguva iyo zvikara zvinondovanda, Zvichirambira mumapako azvo. Dutu remhepo rinobuda pakamuri rezasi; Nechando kurutivi rwokumusoro. Mazaya echando anopiwa vanhu nomweya waMwari; Uye mvura mhami inogwamba. Anozadza makore matema nomwando, Anodadanura gore rine mheni yake. Rinotendeudzwa nokufambisa kwake, Kuti zviite zvose zvaanozviraira Panyika inogarwa navanhu; Anoituma kuti zvimwe ive shamhu, zvimwe ifadze nyika yake, zvimwe iratidze tsitsi yake. Teererai shoko iri, nhasi Jobho; Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari. Ko munoziva marairirwo azvo naMwari here, Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here? Munoziva maturikirwo amakore here, Namabasa anoshamisa aiye akwana pazivo here?
Jobho 37:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvi zvinoita kuti mwoyo wangu udedere zvokutenge uchasvetuka panzvimbo pawo. Dotererai munzwe kutinhira kwezwi rake, maungira anobva mumuromo wake, Anoati tupfunu nedenga rose, nemheni yake inosvika kumativi ose enyika. Mushure mayo izwi rake rinotinhira anoriridza nezizwi rake rinoremekedzwa mheni haaidzore kana izwi rake ranzwika. Mwari anodzvova nezwi rinoshamisa. Anoita zvishamiso zvatisingakwanisi kunzwisisa nokuti anoti chando ngachidonhe panyika anotiwo kuhore kana mvura yokunaya ngainaye zvine simba. Anombomisa vanhu mabasa amaoko avo kuitira kuti munhu wose azive mabasa ake. Ipapo zvikara zvinotombopinda mumatanga azvo zvichitombogara imomo mumapako azvo. Dutu remhepo rinobva kumaodzanyemba nemhepo yechando inovhuvhuta ichibva kuchamhembe. Nezwi raMwari kunouya chando mvura yakapararira inogwamba nokukurumidza. Anozadza makore makobvu nemvura makorewo achiwadzura mheni uko nokoko. Makore anopidiguka-pidiguka achipishinuka kuenda nerimwe divi achitungamirirwa naMwari kuitira kuti aite zvose zvaanenge ati aite pasi pasi panogara vanhu. Anoita kuti zviitike kunyika yake, iri shamhu kana mwoyochena wake. Teerera unzwe iwe Jobhu. Dai ukamboti mirei urangarire mabasa aMwari anoshamisa. Unoziva here kuti Mwari anoatonga sei nokuita kuti mheni ipenye mumakore? “Unoziva here kuti makore anoyangarara sei mudenga umu, basa roruzivo ruzere rwaMwari.
Jobho 37:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo mŋoyo waŋgu unobvunduswa ʋo pamsoro paiɀoɀi, Ucibviswa panɀimbo yawo. Tererai kutinhira kwenzwi rake, Nokuwuŋga kunobva pamuromo wake. Unokutuma pasi pedeŋga rose, Nemheni yake kuȿikira pamagumisiro enyika. Inoteʋerwa nenzwi rinodɀoʋa, Unotinhira nenzwi roʋumambo bgake. Haaɀidziʋisi kana inzwi rake ricinzwika. Mŋari unotinhira nenzwi rake rinoshamisa; Unoita ɀinhu ɀikuru ɀatisiŋgagoni kunzwisisa. Nokuti unoti kucando: Ciwira panyika; Saiɀoɀo ʋo kumvura inopfunhapfunha, Ʋuye ʋo kumvura inoturuka nesimba. Unodziʋisa ruʋoko rwomunhu mumŋe nomumŋe, Kuti ʋanhu ʋose ʋaakaita ʋamuziʋe. Paŋguʋa iyo ɀikara ɀinondoʋanda, Ɀicirambira mumapako aɀo. Ƌutu remhepo rinoɓuɗa pakamuri rezasi; Necando kurutiʋi rwokumsoro. Mazaya ecando anopiwa ʋanhu nomŋeya waMŋari; Ʋuye mvura mhami inogwamba. Unozadza makore matema nomŋando, Unodadanura gore rinemheni yake. Rinotendeʋudzwa nokufambisa kwake, Kuti ɀiite ɀose ɀaanoɀiraira Panyika inogarwa naʋanhu; Unoituma kuti ɀimŋe iʋe shamhu, ɀimŋe ifadze nyika yake, Ɀimŋe iratidze tsitsi yake. Tererai shoko iri, nhasi Jobo; Cimbomirai muraŋgarire maɓasa anoshamisa aMŋari. Ko munoziʋa marairirwe aɀo naMŋari here, Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here? Munoziʋa maturikirwe amakore here, Namaɓasa anoshamisa aiye wakakwana paziʋo here?
Jobho 37:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)