Jobho 34:10-11
Jobho 34:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi. Anoripira munhu pane zvaanenge aita; anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.
Jobho 34:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka chindinzwai, imi varume venjere, Mwari haangatongoiti zvisakarurama; waMasimbaose haangatongoiti zvakaipa. Nokuti acharipira munhu sezvaakabata, Achapa mumwe nomumwe sezvaakafanirwa.
Jobho 34:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Saka chindinzwai imi vanonzwisisa zviri kure kwazvo naMwari kuti aite zvakaipa kana kushaika kworuenzaniso pana Mwari nokuti anopa munhu mubayiro wezvaakaita achiita kuti munhu awane zvinokodzerana namaitiro ake.
Jobho 34:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka cindinzwai, imi ʋarume ʋenjere: Mŋari haaŋgatoŋgoiti ɀisakarurama; Wamasimba‐ose haaŋgatoŋgoiti ɀakaipa. Nokuti ucaripira munhu seɀaakaɓata, Ucapa mumŋe nomumŋe seɀaakafanirwa.
Jobho 34:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)