Jobho 32:6-9
Jobho 32:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’ Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.
Jobho 32:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, “Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu. Ndakati, ‘Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.’ Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa. Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.
Jobho 32:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati, “Ini ndiri muduku imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya kukuudzai zvandinoziva. Ndati regai vakura ndivo vataure vane makore aendedzana vape ungwaru. Asi chaizvoizvo Mweya waSamasimba uri mumunhu femo raMwari ndiro rinopa kunzwisisa. Vakura havasiri ivo chete vane ungwaru kana kuti vachembera vanonzwisisa zvine ruenzaniso.
Jobho 32:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Erihu mŋanakomana waBarakeri muBuzi wakapindura, akati: Ini ndiri muɗuku, asi imi maʋa ʋakuru kwaɀo; Saka ndakaɀidzora haŋgu, ndikatya kukuziʋisai kufuŋga kwaŋgu. Ndakati: Ʋanamazuʋa mazhinji ŋgaʋataure haʋo, Ʋanamakore mazhinji ŋgaʋadzidzise ʋamŋe ʋucenjeri. Asi mŋeya uri’po pamunhu, Kufuridzira kwoWamasimba‐ose kunoʋapa kunzwisisa. Haʋazi ʋakuru ʋakacenjera, Kana ʋatana ʋanonzwisisa kururamisira.
Jobho 32:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)