Jobho 16:4-5
Jobho 16:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.
Jobho 16:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Neniwo ndaigona kutaura semi; Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu, Ndaigonawo kubatanidza mashoko pamusoro penyu, Ndaikudzungudzirai musoro wangu. Asi ndingadai ndaikusimbisai nomuromo wangu, Nokuvaraidza kwemiromo yangu kwaikuremudzai.
Jobho 16:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndaigonawo kutaura sezvamunoita. Dai murimi izvozvi ndingadai ndichivirikidzanisa mazwi pamuri, ndichikudzungudzirai musoro. Ndingadai ndichikusimbaradzai namazwi omuromo wangu ndichikunyaradzai zvisina mugumo.
Jobho 16:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neni ʋo ndaigona kutaura semi; Kana mŋeya yenyu yaiʋa panɀimbo yomŋeya waŋgu, Ndaigona ʋo kuɓatanidza mashoko pamsoro penyu, Ndaikudzuŋgudzirai musoro waŋgu. Asi ndiŋgaɗai ndaikusimbisai nomuromo waŋgu, Nokuʋaraidza kwemiromo yaŋgu kwaikuremudzai.