Jobho 13:15-16
Jobho 13:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye; zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake. Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!
Jobho 13:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange akandiuraya hake, ndichamumirira hangu; Kunyange zvakadaro ndichazvidavirira hangu pamberi pake pamusoro pomufambiro wangu. Ndirwowo ruchava ruponeso rwangu, Kuti munhu asingatendi Mwari haangasviki pamberi pake.
Jobho 13:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kufa kufa zvako hapana chokuita. Ndichatongozvimiririra mhosva yangu pamberi pake. Izvozvi ndizvo zvichandinunura nokuti munhu asiri munamati haangaiti chivindi chokuenda pana Mwari.
Jobho 13:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge akandiʋuraya hake, ndicamumirira haŋgu; Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaɀiɗaʋirira haŋgu pamberi pake pamsoro pomufambire waŋgu. Ndirwo ʋo rucaʋa ruponeso rwaŋgu, Kuti munhu usiŋgatendi Mŋari haaŋgaȿiki pamberi pake.