Jobho 11:13-20
Jobho 11:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari, uye ukatambanudzira maoko ako kwaari, kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako, ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi. Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakaerera. Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani. Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharinga-ringa ugozorora murugare. Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako. Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa kwokutizira; tariro yavo ichava yokufa.”
Jobho 11:13-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana iwe ukaruramisa mwoyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari; Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako; Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu. Nokuti uchakanganwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura; Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani. Iwe uchasimba pamwoyo, nokuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako akachengetwa. Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza. Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa.
Jobho 11:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Dai kuri kuti unogadziridza hana yako ugosimudzira maoko ako kwaari, dai ukakanda pasi kure uipi hwaunaho uchirega kuita ukama nechakaipa; pakadaro, kana kusimudza musoro ungasimudze pasisina mhosva, wasimba uye usisatyi. Ungatombokanganwa nhamo, uchitodziyeuka semvura yakayerera. Upenyu hwako hunopenya kupinda masikati; rima rahwo, richiita samambakwedza. Uchava nechivimbo nokuti unenge une chitarisiro, unenge wakanyatsodzika midzi wonyatsozorora wakagadzana mwoyo. Kana worara unonorara zvakanaka pasina anokutyisidzira vazhinji vachatsvaka ushamwari newe. Maziso avakaipa acharezuka, vasina pokupunyuka napo, chavanenge vongoda kufema femo ravo rokupedzisira.”
Jobho 11:13-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana iwe ukaruramisa mŋoyo wako, Ukatambanudzira maʋoko ako kwaari; Kana ɀakaipa ɀiri muruʋoko rwako, uɀiise kure, Kusarurama ŋgakurege kugara mumatente ako; Ɀirokwaɀo ipapo uŋgasimudza ciso cako, usinegwapa, Ɀirokwaɀo, ucasimba, usiŋgatyi cinhu. Nokuti ucakaŋganwa njodzi yako, Ucairaŋgarira semvura yapfuʋura; Ʋupenyu bgako bgucaʋara kupfuʋura masikati makuru; Kunyaŋge kunerima, kucaʋa samaŋgwanani. Iwe ucasimba pamŋoyo, nokuti tariro icaʋa’po; Ɀirokwaɀo, ucariŋgariŋga ndokuzorora hako wakaceŋgetwa. Ucaʋata hako pasi, hakuna‐uŋgakutyisa; Ɀirokwaɀo, ʋazhinji ʋacatȿaka kukufadza. Asi meso aʋakaipa acapera nokutarira, Ʋacashaiwa pokutizira’po, Tariro yaʋo icaʋa yokufa.
Jobho 11:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)