Johani 8:7-9
Johani 8:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.” Akakotamazve akanyora pasi. Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo.
Johani 8:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari, “Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda bwe kwaari.” Akakotamazve, akanyora pasi. Zvino ivo vakati vachizvinzwa, hana dzavo dzikavarova, vakabuda mumwe-mumwe, kutanga vakuru kusvikira kuno wokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi akanga amire pakati pavo.
Johani 8:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakaramba vachingomubvunza akati twasu kumira ndokuti kwavari, “Uyo asina chitadzo pakati penyu ngaatange kumukanda dombo.” Ndokukotamazve onyora pasi nomunwe wake. Pavakazvinzwa vakaita rumwerumwe kubuda kuchitanga navakuru vacho. Jesu akasiiwa angova oga nomukadzi uya amire pamberi pake.
Johani 8:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iʋo ʋakati ʋaciramba ʋacimubvunza, akakotoroka, akati kwaʋari: Usineciʋi pakati penyu, ŋgaataŋge kukande‐bge kwaari. Akakotama ɀe, akanyora pasi. Ɀino iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, hana dzaʋo dzikaʋaroʋa, ʋakaɓuɗa mumŋe‐mumŋe, kutaŋga ʋakuru kuȿikira kunowokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi wakaŋga amire pakati paʋo.
Johani 8:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)