Johani 8:21-30
Johani 8:21-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.” Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’ ” Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handisi wenyika ino. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.” Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye. Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.” Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba. Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga. Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.” Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.
Johani 8:21-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.” VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari.
Johani 8:21-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatizve kwavari, “Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungauyipo.” Zvino vaJudha vakati, “Achazviuraya kanhi, zvaanoti, pandinoenda, imi hamungauyipo?” Akati kwavari, “Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handisi wenyika ino. Naizvozvo ndakati kwamuri, muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi, kuti, ‘Ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.’ ” Zvino vakati kwaari, “Iwe ndiwe aniko?” Jesu akati kwavari, “Izvo zvandinongoramba ndichikuudzai kubva pakutanga. Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi akandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinoudza nyika.” Asi havana kunzwisisa kuti anovaudza zvababa. Naizvozvo Jesu akati, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinotaura izvozvo zvandakadzidziswa nababa. “Akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.” Akati areva izvozvo, vazhinji vakatenda kwaari.
Johani 8:21-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.” VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari.
Johani 8:21-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati ɀe kwaʋari: Ndinoenda, mucanditȿaka, mukafira muɀiʋi ɀenyu; pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po. Ɀino ʋaJuda ʋakati: Ucaɀiʋuraya kanhi, ɀaanoti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po? Akati kwaʋari: Imi muri ʋapasi, ini ndiri wokumsoro; imi muri ʋenyika ino, ini handizi wenyika ino. Naiɀoɀo ndakati kwamuri: Mucafira muɀiʋi ɀenyu, nokuti kana musiŋganditendi, kuti ndini iye, mucafira muɀiʋi ɀenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwaʋari: Iɀo ɀandinoŋgoramba ndicikuʋudzai kubva pakutaŋga. Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kureʋa nokutoŋga pamsoro penyu; asi wakandituma ndowaɀokwaɗi; iɀo ɀandakanzwa kwaari, ndiɀo ɀandinoʋudza nyika. Asi haʋana‐kunzwisisa kuti unoʋaʋudza ɀaƂaɓa. Naiɀoɀo Jesu akati: Kana masimudza Mŋanakomana womunhu, ipapo mucaziʋa kuti ndini iye, ʋuye kuti ini handiiti cinhu ndimene, asi ndinoreʋa iɀoɀo ɀandakadzidziswa naƂaɓa. Wakandituma uneni. Haana‐kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita ŋguʋa dzose ɀinomufadza. Wakati areʋa iɀoɀo, ʋazhinji ʋakatenda kwaari.