Johani 8:12-16
Johani 8:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.” Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handisi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.
Johani 8:12-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akataurazve navo, akati, “Ndini chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari, “Anozvipupurira iwe; kupupura kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda. “Imi munotonga nenyama; ini handitongi munhu. Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handisi ndoga, asi ini nababa vakandituma.
Johani 8:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akataurazve kwavari achiti, “Ndini mwenje wapasi anonditevera haafambi murima achave nechiedza choupenyu.” VaFarisei vakati kwaari, “Uri kuzvipupurira. Kuzvipupurira kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu akapindura achiti, “Kunyange zvangu ndichizvipupurira, kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda, asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda. Imi munotonga namatongero avanhu, ini hapana wandinotonga ndichidaro. Kunyange dai ndaitonga zvangu, kutonga kwangu ndekwechokwadi nokuti handitongi nokwangu ndoga, asi pamwechete naiye wakandituma.
Johani 8:12-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakataura ɀe naʋo, akati: Ndini ciedza cenyika; unonditeʋera haaŋgatoŋgofambi murima, asi ucaʋa neciedza coʋupenyu. Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakati kwaari: Unoɀipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwaɀokwaɗi. Jesu akapindura, akati kwaʋari: Kunyaŋge ndiciɀipupurira, kupupura kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti ndinoziʋa kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuziʋi kwandakabva, nokwandinoenda. Imi munotoŋga nenyama; ini handitoŋgi munhu. Asi kunyaŋge ndicitoŋga, kutoŋga kwaŋgu ndokwaɀokwaɗi; nokuti handizi ndoga, asi ini naƂaɓa ʋakandituma.
Johani 8:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)