Johani 8:1-11
Johani 8:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi. Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise. Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe. MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?” Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake. Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.” Akakotamazve akanyora pasi. Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo. Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?” Iye akati, “Hapana, Ishe.” Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Zvino chienda, uye usiye upenyu hwako hwechivi.”
Johani 8:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akaenda kugomo reMiorivhi. Mangwanani akadzokerazve kutemberi, vanhu vose vakauya kwaari; akagara pasi akavadzidzisa. Vanyori navaFarisi vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achipfeva vakamuisa pakati pavo. Vakati kwaari, “Mudzidzisi, mukadzi uyu wakabatwa achipfeva, ipapo pamene. “Zvino Mosesi akatirayira mumurayiro kuti vakadzi vakadaro vatakwe namabwe; zvino imi munoti kudiniko?” Vakareva izvozvo, vachimuedza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu akakotama, akanyora pasi nomunwe. Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari, “Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda bwe kwaari.” Akakotamazve, akanyora pasi. Zvino ivo vakati vachizvinzwa, hana dzavo dzikavarova, vakabuda mumwe-mumwe, kutanga vakuru kusvikira kuno wokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi akanga amire pakati pavo. Jesu akatwasanukazve; zvino asingaoni munhu, asi mukadzi oga, akati kwaari, “Mai, vaya vakupomera mhosva varipiko? Hakuna akutonga here?” Iye akati, “Hakuna, Ishe!” Jesu akati kwaari, “Neniwo handikupi mhosva. Enda hako, usatadzazve.”]
Johani 8:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Jesu akaenda kugomo remuorivhi. Mangwanani ngwanani, akaendazve kuTemberi. Vanhu vose vakauya kwaari akagara pasi achivadzidzisa. Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamumisa pakati vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi mukadzi uyu abatwa ari mukuita upombwe. Zvino muMutemo, Mosesi akati tinofanira kutaka namabwe munhu akadai. Zvino imi munoti kudii naye?” Izvi vakataura vachida kuti vamunzwe kuitira kuti vawane mhosva yokumupa. Jesu akakotama akanyora pasi nomunwe wake. Pavakaramba vachingomubvunza akati twasu kumira ndokuti kwavari, “Uyo asina chitadzo pakati penyu ngaatange kumukanda dombo.” Ndokukotamazve onyora pasi nomunwe wake. Pavakazvinzwa vakaita rumwerumwe kubuda kuchitanga navakuru vacho. Jesu akasiiwa angova oga nomukadzi uya amire pamberi pake. Jesu akasimudza musoro akati kwaari, “Nhai mudzimai iwe vari kupi vaya? Hakuna neakupa mhosva here?” Iye akati, “Hapana changamire.” Jesu akati, “Kana neniwo handikupi mhosva chienda hako usazotadzazve.”
Johani 8:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akaenda kugomo reMiorivi. Maŋgwanani akadzokera ɀe kutembere, ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kwaari; akagara pasi akaʋadzidzisa. Ʋanyori naʋaFarise ʋakaʋuya kwaari nomukadzi wakaŋga aɓatwa acifeʋa ʋakamuisa pakati paʋo. Ʋakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wakaɓatwa acifeʋa, ipapo pamene. Ɀino Mosesi wakatiraira pamurairo kuti ʋakadzi ʋakaɗaro ʋatakwe namabge; ɀino imi munoti kuɗiniko? Ʋakareʋa iɀoɀo, ʋacimuidza, kuti ʋawane caʋaŋgamupomera mhoȿa naco. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomunwe. Ɀino iʋo ʋakati ʋaciramba ʋacimubvunza, akakotoroka, akati kwaʋari: Usineciʋi pakati penyu, ŋgaataŋge kukande‐bge kwaari. Akakotama ɀe, akanyora pasi. Ɀino iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, hana dzaʋo dzikaʋaroʋa, ʋakaɓuɗa mumŋe‐mumŋe, kutaŋga ʋakuru kuȿikira kunowokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi wakaŋga amire pakati paʋo. Jesu akakotoroka; ɀino asiŋgaʋoni munhu, asi mukadzi oga, akati kwaari: Mai, ʋaya ʋakupomera mhoȿa ʋaripiko? Hakuna‐wakutoŋga here? Iye akati: Hakuna, Ishe! Jesu akati kwaari: Neni ʋo handikupi mhoȿa. Enda hako, usatadza ɀe.]
Johani 8:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)