Johani 7:3-5
Johani 7:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita. Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.” Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.
Johani 7:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo vanun'una vake vakati kwaari, “Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vaonewo mabasa ako aunoita. Nokuti hakuna munhu anoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikanwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.” Nokuti navanun'una vake vakanga vasingatendi kwaari.
Johani 7:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo vakomanavanun'una vake vakati kwaari, “Dai mabva kuno muende kuJudhea kuti vadzidzi venyu vaone mabasa amuri kuita. Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika. Asi ivowo, vakoma navanun'una vake vakanga vasingatendi maari.”
Johani 7:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ʋanuŋuna ʋake ʋakati kwaari: Ibva pano, uende Judea, kuti ʋadzidzi ʋako ʋaʋone ʋo maɓasa ako aunoita. Nokuti hakunomunhu unoita cinhu cinyararire, kana iye amene aciɗa kuzikanwa; kana iwe uciita iɀi, uɀiratidze kunyika. Nokuti naʋanuŋuna ʋake ʋakaŋga ʋasiŋgatendi kwaari.
Johani 7:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)