Johani 6:33-35
Johani 6:33-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.” Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.” Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Johani 6:33-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.” Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.” Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Johani 6:33-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari, “Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.” Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota.
Johani 6:33-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Ishe, tipei ciŋgwa ici misi yose. Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota.
Johani 6:33-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)